‘KING SHADDY IMBAVHA . . . Pastor Charamba vopopota, Machira - TopicsExpress



          

‘KING SHADDY IMBAVHA . . . Pastor Charamba vopopota, Machira chete? Friday, 07 November 2013 MUIMBI ane mukurumbira wenziyo dzechitendero Pastor Charles Charamba vari kudya magaka mambishi mushure mekunge King Shaddy atsikisa mhanzi yavo vasina kuwirirana. Mukutaura naPastor Charamba svondo rino vakati havana kufara pavakanzwa kambo kavo kanonzi Machira Chete kave kuimbwa pamwe chete nenziyo dzaKing Shaddy paCD rake raachangobura vasina kuwirirana izvo vanoti zviri kudzikisira mhanzi yavo. “Ndakashamisika kunzwa kambo aka kachiridzwa pawairesi zvinova zvisina kundifadza kuti munhu anoita chinhu chake pasina kana kumbondiudza kuti ndiri kuda kudai zvinova zvinoratidza kundishora. “Svondo radarika, mumwe munhu anoshanda naKing Shaddy akandichaira runhare achiti achada kuzondiona saka nanhasi hapana ati auya kwandiri kuti tizotaura pamusoro penyaya iyi uye handisati ndave kuziva kuti tichaendesana kumatare here nekuti hazvina kundifadza,” vakadaro Pastor Charamba. Zvakadaro, King Shaddy anoti kambo aka hamheno kuti kakabuda sei muvanhu sezvo aida kutanga aona Pastor Charamba votaurirana kuti okatsikisa here kana kuti kwete. “Ndakarasa CD randainge ndakachengetera mhanzi yangu iyi ndakazoshamisika ndave kunzwa richiridzwa muvanhu nekuti ndaida kutanga ndaona Pastor Charamba ndisati ndatsikisa kuti vandipe mvumo yekuita izvi. “Saka parizvino ndangomirira Pastor Charamba kuti vari kuda chii toita chibvumirano — sekuona kwangu hapana dambudziko hombe chaizvo kunyangwe mari yavanoda ndichavapa,” akadaro muimbi King Shaddy. Muimbi uyu anoti akaita kambo aka sezvo aida kuti vanhu vateerere musambo wechitendero nemumwe mutowo. Hakasi kekutanga King Shaddy achiita izvi sezvo makore achangodarika akatsikisa zvakare kambo kamuchakabvu John Chibadura akapotsa napadiki aendeswa kudare nemhuri yaChibadura kusvika azovapa mari.-Kwayedza
Posted on: Sun, 10 Nov 2013 01:21:17 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015