Baba mangwanani ano tinokutendai.Ishe wemadzishe Shumba yerudzi - TopicsExpress



          

Baba mangwanani ano tinokutendai.Ishe wemadzishe Shumba yerudzi rwaJuda matimutsa baba tiri vatano maita henyu Mutsvene Zvatava kutanga ranhasi zuva wanzai nyasha baba.ivai nesu kose kwatiri. Vachaenda kumabasa baba vanoda nyasha dzenyu Vachafamba baba vanoda kuona ruoko rwenyu Vanenge vari kuma church nhasi ivai pakati pavo Baba Tinoramba tichidzorera iri group mumaoko enyu.Takauya pano kuzotaura nemi baba sanganaiwo nesu Patinorasika baba tidzoreiwo Patinoremerwa baba turai mutoro ishe wangu Patinorwara baba rapai murimi baba Tinoda matestmony pano.hatidi vana vepagroup rino vanofa nenzara vanoshaya mabasa hatidi ma divorce pano pagroup baba. Chata sunga pano ishe nekudenga chasungwa Tiri vakundi isu hatidi kuva miswe.tinoda magraduates ipo pano baba. Tinoda mabusiness anoendeka baba Tinodawo vana vanoteera vane njere Tinoda utano isu baba hatidi kufa nguva isati yakwana ndaramba mweya yema sudden deaths tichengeteiwo baba Ndakumbura ishe wangu hamunyarari baba.ndinoisa zuva rino mumaoko enyu kuda kwenyu baba ngakuitwe Muzita nemuropa ra Jesu...............
Posted on: Tue, 23 Sep 2014 04:25:31 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015