Buruka nekukurumidza Scripture reading Luke 19:1-10 (take your - TopicsExpress



          

Buruka nekukurumidza Scripture reading Luke 19:1-10 (take your time yakareba mharidzo yacho) Jesu aiva ari paMisssion yake achipfura nemuguta reJericho, aingopfura zvake, zvichida iwe muverengi uri kupfura nepaMharidzo ino uchienda kwauri kuenda but ndinokumbirawo nguva yako mbichana unzwe shoko riri pano. seMwanakomana waMwari, Jesu kwese kwaaienda aiterwa neMhomho yevanhu, so mumwe murume anonzi Zakeo aida kuona Jesu but he could not do so because paiva paine crowd yaimuvharidzira. wakamboona reaction inoita munhu kana achiona kana bhora or whatever TV show yaari kuona iwe woenda kunomira pamberi paTV kana kuvhara view yake, “hey ibva apa urikundivharidzira mhani” ko kana munhu achiReacter zvakadaro paTV zvayo, what more kana achida kuona Jesu? zvinorwadza kuvharidzirwa kuona Jesu regai timbo nyatso bata murume uyu anonzi Zakeo, murume uyu was a tax collector, muteresi, not just a tax collector but a chief tax collector, maBig Boss, muNyika yedu ndinogona kumufananidza nemaTop bosses ekuZIMRA but musiyano uripo ndewe kuti nguva iyi maTax collectors vaizivikanwa sevanhu vakaoma moyo, vanhu vasina kana tsitsi and vanoda mari too much, zvichida iwe uri munhu ane hunhu netsika yakafanana neye maTax collectors enguva iyi, zvichida uri Big Boss mumabasa akaipa rega ndikutaurire kuti ndiwe type chaiyo yakavingwa naJesu, kwete kuti anoda kukuFixer or kukuranga nekuda kwemabasa awakaita but anoda kukuratidza rudo rwaMwari. Bible rabuditsa pachena kuti Zakeo was rich, aiva mupfumi and ukaona munhu anonyorwa neBible kuti he was rich usaite wekutamba naye, Bible harinyepe, Mwari haaite mutambiro wakadaro wekunyora kuti Zakeo aiva mupfumi iye asiri. Magazine or Newspaper ndiro ringatonyepe kuti nhingi ane mari, but Bible harina mutambiro wakadaro. Munhu ane mari chaiye haafambe achizviti ndine mari but mega munonyatsoona kuti apa paita zveCash apa. Vanhu pachawo vanosvika paPoint yekuti vanoitisayana nharo kuti Nhingi ane ane mari kupfura Nhingi, but ivo varikutaurwa vacho vanenge vakanyarara zvavo. Ndiyo type yaZakeo iyi, haazi riye akanyora verse iyi kuti ndine mari ini, haazi riye akabuditsa maShoko mukanwa make kuti ndine mari but Bible ndiro rapupura kuti he was rich Even though Zakeo ainge akapfuma, akaita chishuwo chekuda kuona Jesu, aigona kusarudza kuenda kunoona maFriends ake, aigona kusarudza kuenda kuLake, kuGalilee kunogocha havo fish, aigona kusarudza kuenda kunoona hama dzake, mari anayo yekuenda chero kwaada but he decided kuti anoda kuona Jesu. zvimwe zvekuita unazvo hobho but itawo chishuwo chekuda kuona Jesu itawo nyota yekururama, itawo nzara yeShoko raMwari. You can choose kuenda kuMovie vamwe vachienda kuChurch, you can choose kuenda kuGochi-gochi vamwe vachienda kuAll night prayer, sarudzo ndeyako, but Kuenda kune zvimwe zvinhu unobhadhara mari but kuona Jesu its for free. Wotadzawo here kuona zvemahara zvine hupenyu. Zvimwe zvese unogona hako kuona but hazvichinje life yako, but kuona Jesu kunosandura life yako. Newspaper rinogona kutadza kukupa zvauri kuda but Bible rinazvo zvinhu izvozvo, shuwirawo kuona Jesu. Movie inogona kukunakidza for 2 hours but Jesu anogona kukunakidza for the rest of your life and the life to come. But kuti aone Jesu pakaita problem because paiva nevanhu hobho vaivharidzira view yake. Vanhu ava havana problem because ivo pachavo vanodawo kuona Jesu. Sometimes muLife tinosangana neVanhu vanotikangisa kuona Jesu, vanotikanganisa kunamata, kwete kuti vanehutsinye but inyaya yekuti ivo pachezvavo vanoda kuonawo Jesu just like you. Unogona kusvika kuChurch kwakazara woshaya pekugara, vanhu vatora nzvimbo zvinobva zvaita sevanoda kukukanganisa kunamata but let me tell you kuti rega kudzokera kumba. Hayizi mhosva yavo vanhu ava but vanodawo kuona Jesu sewe. Zakeo aigona kusarudza kudzokera kumba nekuti vanhu vaimutadzisa kuona Jesu, but haana kudaro, he persisted kusvika aoona Jesu. Don’t give up, maybe wakasangana neVanhu vakasimbira pamuromo sePinjisi vakakuudza mashoko anodzimba and wakapika kuti haudzokere zvekare kuChurch, but I have come to tell you kuti ramba kuramba, keep on pressing forward kusvika wamuona Jesu. A rich person kashoma kunyengerera zvinhu zvisikamupe mari, Zakeo aigona kuti its o.k. ndatadza kumuona Jesu rega zvangu ndidzokere kuOffice kwangu ndimboita zvemari than kuda kuona vafundisi ava vanoswera vachifamba nenyika, but he did not do so. I don’t know your life, maybe une zvimwe zvaunoona sezviri nani zvawaigona kusarudza kuita than to read this sermon, ndinofara kuti hauna kusarudza zvinhu izvozvo, wasarudza kuverenga shoko rino. Zakeo aiva neDisadvantage yekuti aiva mupfupi but izvozvo hazvina kumutadzisa kuona Jesu, maybe you have a disadvantage, but izvozvo ngazvikutadzise kuona Jesu, maybe hauna mari, kana Bible racho hauna, church yako iri kure, maybe zviripo zvaka shorta muLife mako but ramba uchiPresser forward kusvika wamuona Jesu. ipo pane disadvantage yekupfupika ipapo, Mwari vagara vakaisa solution kare yeMuti. Muti wagara uripo paSide peRoad and Mwari vaizviziva kuti iwo muti uyu uchabatsira Zakeo. Mwari vagara vanayo solution yauri kuchemera, muti waZakeo wagara uripo paSide peRoad. So rega kuchema kuti Mwari handina chakati nechekuti but chingotenda Mwari neizvo zviripo nekuti solution yako iripo kare. Ukaverenga kuna Genesis uchaona kuti chakatanga kusikwa pakati peMvura neFish, iMvura yakatanga. Mwari havatange nekusika fish ipo pasati pava nemvura nekuti zvikadaro, fish dzinoswera dzaoma dzikaita bakayawa dry fish, so Mwari vanotanga neMvura, vozosika fish. Mwari vakasika kare zvinhu zvaunochemera kuti hauna, so rega kuchema but just discover zvinhu zvako. Zakeo haana kuchema but akaDiscover muti wake, unawo muti wako, unayo solution yako kare. Hapana excuse ingakutadzise kuona Jesu, hongu uri mupfupi but muti uyu unogona kukurebesa ukaona Jesu. semunhu ane mari yake unongozviziva kuti fashion haizi yenhamo. Zakeo as a rich man obvious anenge akarova hembe dzinodhura from head to toe. Just imagine paanoda kuti akwire mumuti he thinks about his suit, kuti umm Giorgio Armani yangu ndikakwira mumuti haizo svibe here? Ko trousers rangu haribvaruke here, ghemenzi rangu reWhite harizo svibve here but Zakeo haana kuConsider zvese izvozvo, akasarudza kukwira mumuti neidzo dzinodhura idzodzo. manje mumwe munhu nhasi kuti afunge kuti shuwa neSuit yangu iyi ndoonekwa ndichipfugama pasi ndichanamata, haa haiite, But shuwa wotadza kuona Jesu nekuda kweSuit ye$50 here? rega kutadza kuona Jesu nekuda kweFashion. kukwira mumuti kunomakisa hakuite, pamunhu waBusinessman, a rich person kuonekwa ari mumumuti hazviite. tine zvimwe zvinhu zvitinogona kuti zvinomakisa but zviri izvo zvinoti swededza pedyo naJesu. Kuparidza muStreet kunomakisa shuwa, but Mwari ndizvo zvaVari kutsvaga. kuQuoter Scripture panyaya irikutaurwa muCombi kunoita kunge hubharanzi, but ndizvo zvinotiswededza pedyo naJesu. Kuonekwa nemaface wakatakura Bible uchienda kuChurch zviota kunge zvinomakisa but ndizvo zvinotiswededza kunaJesu, kuparidza pafacebook zvinoita kunge zvinomakisa but ndizvo zvinoti swededza pedyo naJesu. zvingaite kunge zvinomakisa but iwe Zakeo kwira mumuti umu, whatever it is chauri kufunga kuti chinomakisa, rega kufunga izvozvo, but as long zvichikuswededza pedyo naMwari, ita chinhu ichocho. kune imwe pfungwa inogona kukuudza kuti blaz chenjerai munorumwa neNyoka mumuti mauri kuda kukwira umu. Siyana nazvo izvi mazuva ano kune maAnaconda, green mamba, nanaPython siyana nazvo izvi. Kune dzimwe pfungwa ndinoda kuti uregedze kunamata, zvinoita kunge uri kuReasoner but ndisatani asiri kuda kuti usaone Jesu. Ese maReasons ane munhu ekusanamata, its just an excuse yauri kupihwa nasatan yekuti usaone Jesu. Zakeo haana kufunga zvakawanda but akamhanyira kumberi kuti anende kunokwira mumuti, mhanyira kumberi mudikani, fungawo zvemberi, don’t just sit uchiti achiti haa Mwari vanoona, haaaa Mwari vanoziva, ichokwadi Mwari vanoona but varikuda kuti utange Wavaonawo. Jesu anotoda kuona Zakeo but iye Zakeo wacho anofanira kutanga aona Jesu kuti azoonekwewo. Mhanya kumberi hama, Zakeo paaiva mumuti achiona Jesu, iye Jesu akabva amuonawo. The moment yaunotsvaga Mwari, ivo Mwari vachazviratidza kwauri. Jesu anotaura kuna Matthew 5:6 Blessed are they which do hunger and thirst after righteousness: for they shall be filled. Ukaita nzara yepaMweya Mwari havakusiye vakadaro, vanotokuzadza chete. Zakeo ukada kuona Jesu, iye Jesu haakusiye wakadaro anokuudza kuti buruka mumuti. Jesu haana kungoti Zakeo buruka mumuti but akamuti, “Zakeo, buruka NOKUKURUMIDZA” buruka faster faster, team yakabayiwa kana takutaura paSlang, bhururu Buruka mumuti faster faster, buruka mumadhiri akaipa faster faster, bhuruka kubva mumba meSmall house faster faster, buruka mukusvuta mbanje faster faster, buruka mukuCheater faster faster nekuti Jesu anoda kuenda kunodya newe. Jesu ane program iri nani newe than mumuti mauri umu. GOD has something better to give you than zvauinazvo right now. Anotaura kuna Revelations 3:20 achiti Ndiri pano! Ndimire paDoor ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu uye akazarura musuo, ndichapinda uye ndigodya naye, uye iye neni. the choice is yours kurambira mumuti or kubvuma kuenda naJesu. Zakeo kuburutswa mumuti hauzi hutsinye but iFavour, because paCrowd yese nekuwanda kwavakaita, ndiye arikuenda kumba naJesu. Kunzi buruka muMumuti mauri hakuzi kuomeserwa but iFavour. Kana ndichiti muMuti ndinoreva tsika dzakaipa dzawajaira, makuhwa awajaira, madhiri mawajaira, kudhakwa kwavajaira, kupfeva kwawajaira, hakuzi kuomeserwa but zvitori better nekuti once waburuka mumuti, Jesu anoda kuenda newe kunodya. muMuti unogona kudonha ukakuvara, mumadhiri unogona kusungwa, mukupfeva unogona kubata zvirwere, mumuti hamuite, buruka hako muende paDen naJesu. Jesu haana kukumbira Zakeo kuti ndinokumbira kuti tiende kumba kwako but anoti I must abide at thy house” Ndinofanira kundogara mumba mako nhasi. The moment yauno gamuchira Jesu, iye ndiye anenge avakukurongera zvekuita, Shoko raMwari ndiyo inenge yava guidance yako, God decides the way you have to go. vanhu vachiona Jesu achienda kumba naZakeo havana kufara, hanzi munoendereiko kumba kwemutadzi? kune vanhu vasingafare kukuona uchinamata, kune type isingafare kukuona uchienda kuChurch, but they don’t have a problem kana vakakuona wakabata Quart reHwahwa, havana problem vakakuona wakananga kuSmall house, vanoti its o.k. ngaaiite, but vakakuona uina Jesu vanosvotwa kuti ngaasiyane nazvo zveChurch izvo. Zakeo was a tax collector and vanhu vaisava nebasa kuti atore mari dzavo through tax but kuti atore Jesu, ndipo pakavarwadza. Kuti Jesu anoenda kunotsvagei kumba kwembvaha, ashaya here kumba kweMufundisi kwekuenda kana kwamuDeacon, but chinzwa unzwe, Jesu akavinga vatadzi, anotaura kuna Matthew 9:13 achiti For I didn’t come to call the righteous, but sinners to repentance. Jesu haana kuuya kuzodaidza vakarurama but akauya kuzodaidza vatadzi kuti vatendeuke. ndiwe unoziva life yako, ndiwe unoziva mabasa aunosibata, zvichida unozviona semutadzi akaipisisa, but ndauya kuzokudza kuti ndiwe type yakavingwa naJesu, mugamuchire utendeuke kubva pane zvakaipa nekuti He loves you. Zakeo achiburuka kubva mumuti, inzwa unzwe statement raakataura, hanzi half yezvinhu zvangu ndinoda kuipa kuvarombo; and munhu wese wandakabira ndinoda kumudzosera mari yake X4, (yakapetwa ka4). Jesu haazi riye akati Zakeo dzosera mari dzawakavhara vanhu but iye ega Zakeo akazviziva kuti kana uchinge wawana Jesu, unofanira kurova maReverse dhiri, unofanira kudzosera vanhu zvinhu zvavo, unofanira kusiya mabasa akaipa. Usamirire sermon hama, dzosera mari dzevanhu, zvikwereti bhadharai sisi. remember Jesu aipfura nemuJericho but akaDecider kumboenda kumba kwaZakeo. Maybe wanga uchipfura nepaino mharidzo but wazoDecider kuiverenga yeso kusvika kumagumo. Jesu akataura kuna Zakeo akati Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno, nokuti murume uyu mwanakomanawo waAbhurahama. Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika.” Kana usati wagamuchira Jesu, kana usati watendeuka, ndinokukuudza hama kuti Jesu akavinga ive, akafira zvivi zvako and yakwana zvino nguva yekuti utendeuke uchisiya mabasa akaipa uchimugamuchira. dzimwe mharidzo dzakareba munodziwana pa link inotera. mharidzosermonsblog.blogspot
Posted on: Fri, 13 Sep 2013 08:17:40 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015