CAN GOD TRUST YOU? [MWARI VANGAVIMBE NEWE HERE] Scripture - TopicsExpress



          

CAN GOD TRUST YOU? [MWARI VANGAVIMBE NEWE HERE] Scripture reading Matthew 25:14-30- Parable of Talents. Trust chinhu chikosha zvakanyanya. Pane munhu wekuti akauya kwauri achida kukwereta mari, even if uinayo unogona kuzeza kumupa kana kunyepa kuti handina nekuti you don’t trust him. Pane zvakaitika kumushaure uko zvinokonzera kuti usamukweretese mari, its either pane paasina kudzosa mari in time or haana kudzosa zvamuchose or akadzosa mari yakashota and ever since, you no longer have trust in that person. So relationship pakati pevairi ikashaya trust, zvinonetsa kuti mupote muchipanana zvinhu. even relationship yeMunhu naMwari, the moment paunotadza kuvambika nezvinhu zvaunopihwa then maChances ako ekuti unyimwe zvimwe zvinhu they are very high. Mwari vari ready kupa vanhu zvinhu zvepaMweya nezvepaNyama but mubvunzo ndewe kuti can GOD trust you? Mwari vangavimbe newe here? Kana uri munhu akavimbika then hapana problem kuti uwane zvaunoda but kana usina kuvimbika then pane nyaya. paParable of Talents (Matthew 25:14-30), Jesu akaparidza nezve Humambo hwaMwari achiufananidza neMurume akabuda kuti afambe rwendo, akadana varanda vake akavachengetesa pfuma yake. Murume ndinomufanidza naJesu, nekuti Jesu akaenda kuna Baba (Mwari) akatisiyira matarenda kubudikidza naMweya Mutsvene. Muranda wekutanga akapihwa 5 maTalents, wechi2 akapiwawo 2, wechi3 akapihwa 1. Ndinofara kuti even though varanda ava vakapihwa maTalents akasiyana mumwe 5, mumwe 2 mumwe 1, but hapana akashaya chaakapihwa. Vese vakapihwa something, even today hapana muChristu asina chaakapihwa naMwari, everyone unacho chipo chawakapihwa naMwari chekushandisa muKingdom yaMwari. Hongu vamwe vane 5, iwe une 2, but you have got something that GOD gave you. so rega kuzvitarisira pasi uchiti hapana chaungabate pazvinhu zvaMwari. maTalents aya Bible rinoti vakapihwa according to their ability, mumwe nomumwe maererano nokugona kwake. Hapana favour yakaitwa but vakapihwa maringe nekugona kwavo. Zvakangofanana neNyaya yemaLine emaFone, Strive Masiyiwa akapihwa Econet yese but kune vamwe vakangopihwawo 1 line chete. Ehe. Tinopihwa zvinhu maringe nekugona kwedu, iye Strive akaonekwa kuti anozvigona zvekuRunner Econet, but vamwe chavaka master ndechekutumira maCall me back chete. Muranda akapihwa 5 maTalents akapinda muBusiness akabva akwanisa kuita profit yemamwe 5 maTalents. Mumwe akapihwa 2, akaitawo business akakwanisa kuita profit yemamwe 2. Zvipo zvawakapihwa naMwari unofanaira kuzvishandisa in order to make a profit. Profit yandiri kutaura haazi yemari but ndinoreva kuunza vanhu muHumambo waMwari (soul winning) muChristu wese uneBasa rekutendeutsa vanhu vabve kurima vachiuya muchiedza. but hona zvakaitwa neMuranda akapihwa 1 talent, akaenda akandochera gomba muvhu ndokuviga mari yatenzi wake. Instead yekuendawo kunoita business sezvirikuitwa nevamwe, tsano ava vakafushira mari yaakapihwa. Ko nhai munhu angacherere mari muvhu, hakusi kusakwana here ikoko. Mbeu ndiyo yatinoziva kuti ikaiswa muvhu inomera, kwete mari, hakuna zvakadaro. Chenjera kucherera pasi zvimwe zvinhu zvawakapihwa naMwari, instead yekuzvishandisa to advance the Kingdom. hobho maBible auinawo mumba and you only use 1, wadi kupawo vamwe, cant you see kuti urikucherera talent muvhu. you are gifted neVoice rakanaka, but kuChurch haudi kuimba, unongoda kuimba uri muShower uchigeza, hauzi kuona kuti uri kuchererera talent muvhu here? kuparidza unogona, une revelation yakasimba, but haudi kuparidza, urikucherera talent muvhu. mari munayo hobho, but kuti ufunge kuchengetawo vanotambura, izvozvo hauzvifunge. urikucherera talent muvhu ndipo panondibvunza mubvunzo wekuti can GOD trust you? kana uine zvimwe zvawakapihwa zvausiri kuda kushandisa, do you think kuti Mwari vangakupe here zvimwe?? handiti ukapihwa unongoenda kunofushira just like what you did with the other talent. Handei nayo Parable yedu. Zvinonzi after a long time tenzi wavaranda vaya akadzoka. Rega ndingozivisana newe mudikani kuti Jesu achadzoka zvekare, and pakudzoka kwake anenge achida kuziva kuti ko maTalents andakakupai makaashandisa sei? tenzi vakafara nemuranda wavo ainge ashandisa 5 talents to gain 5 more talents. Vakafara zvekare nemuranda ainge aGainer 2 more talents. Ndinoda kuti unyatsobatisise statement rakataurwa naShefu ava rekuti “you have been faithful over a few things, I will make you a ruler over many things” “Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji” wainyatsoibata here nyaya yacho. Ukatendeka pazvinhu zvishoma, GOD will give you zvimwe zvakawanda. chichaita kuti upihwe zvimwe zvizhinji zvaunoda iNyaya yeTrust and being faithful. Kana uine record yekuti zvishoma zvawakapihwa wakazvishandisa zvakanaka, surely you shall receive more. But kana ukatadza kutendeka pazvishoma then how can GOD trust you with more. Mwari vangavimbe newe sei kuti vakupe zvimwe zvakawanda. Munhu anotadza kudzosa chikwereti che$100 ungamukweretese here $10 000? But chinzwa zvinotaura muranda wekupihwa 1 talent, “Nokudaro ndakatya ndikandocherera tarenda renyu muvhu. Tarirai, pfuma yenyu iyi” the first 2 words dzinokuudza chakatuma murume uyu kucherera tarenda muvhu “NOKUDARO NDAKATYA”--- fear ndiyo inotuma vazhinji kuhwandisa matarenda avakapihwa naMwari. ko ndikada kuparidza, maFriends angu anozoti kudi, ex wangu haazo ndiseke here? What will my work mates say. Ahh zvinotyisa izvi. -ahh iko kumira kumberi kuChoir ndichiimba, zvinotyisa izvi rega kutumwa neFear kuhwandisa tarenda rako, 2 Timothy 1:7-8 For God did not give us a spirit of fear, but a spirit of power, of love and of self-discipline. So do not be ashamed to testify about our Lord, or ashamed of me his prisoner. But join with me in suffering for the gospel, by the power of God, Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, noworudo nowokuzvidzora. Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake Don’t be afraid kushandira Mwari. One surprising thing chakaitika nemuranda uyu ndeichi: haana kudya mari yaakapihwa, kwete, haana kuishandisa kudhakwa, kunokecha or kuita anything chakaipa. He just hid the talent but tenzi vake havana kufara. Talent raakapihwa akaridzorera sezvariri but tenzi vake havana kufara. Hey so mhosva yake ndeye kushaya profit. Kushaya production. rega kushaya production muzvinhu zvaMwari. GOD called you to call others, Mwari vakakudana kuti udane vamwe. Mwari havana kukudeidza kuti uzongogara hako muChurch vamwe vachiparidza, vamwe vachiimba iwe wakagara hako. Boss vamubvunza zvikanzi wadii hako wakaendesa mari yangu kumaBank uko ndawana interest pakudzoka kwangu. Nhai zvinhu zvausiri kushandisa wadii wapa vamwe. hembe dzausiri kupfeka wadii wapawo vasina. Bible rausiri kushandisa wadiii wapawo vamwe vasina. Todzekera paMubvunzo---Can GOD trust you? Mwari vangavimbe newe here nemamwe maTalents iwe uine record yekufushira zvaunopihwa. Mwari vangakupe pfuma here iwe uine record yekuomera, usingade kubatsira avo vanoda rubatsiro. Mwari vangakupe here Shoko rekuti uparidze but iwo maRevelations mashoma auinawo iwawo haudi kusheya nevamwe. this other day ndakaenda kuHarare Hospital, mukoma wangu achirwara. So takagara muWaiting area ndaingonamata nechemumoyo ndichingoti Mwari poresai vese vanorwara vari paArea ino. After some time pane murume ainge ari muWheel chair akaswedera pandiri achida kundi bvunza kuti maToilets ari kupi and ndakamupa maDirections acho. After that akatanga kuTryer kuenda kuToilet but wheel chair yacho yainge yakaponja mavhiri so yaimunetsa kufamba nayo. And it was his first days kufamba neWheel chair so wainyatsoona wega kuti havasikukwanisa kushandisa wheel chair iyi. in my spirit ndakatanga kuzvitongesa kuti ndanga ndichinamatira kuti vanhu vapore handiti, I was praying for the gift of healing. But ko iro simba randakapihwa kare ndiri kurishandisa here? Iyo physical power yandakapihwa im I using it. Ndadi kubatsira murume uyu nekuPuhser wheel chair yake. why ndichinamatira spiritual power yet physical power yandakapihwa handisi kuda kuishandisa. I felt guilt ndikasimuka ndichienda kunopusher wheel chair yemurume uyu. Even though ainge asina kundikumbira. what im I saying? Zvimwe zvinhu zvauri kukumbira kubva kunaMwari. tanga waProver kuti you are faithful, tanga waprover kuti GOD can trust on you, tanga washandisa zvawakapihwa, tanga washandisa power rauinaro kare, so that GOD can give you more. back in school I had a friend aiti I want to be rich, ndinoda kuti Mwari vandiropafadze nepfuma. Inini I used to ask him kuti o.k. pfuma yacho unoda kuishandisei, unoidi. And he said ndinoda kuzochengeta vanotambura. and I asked him again kuti right now unavo here vanotambaura vauri kubatsira? kana uchifuratira bofu remutown uchirinyima 4 rand yawachinjwa muCombi, shuwa ungazogone here kuvapa 3 meals a day vanhu ivavo. kana uchiomera netudiki diki, obvious zvikuru zvacho hapana paungazope vamwe. kana uchitadza kubhadara chegumi che$50 pa$500 yaunotambira, shuwa ungagone here kuzobhadara chegumi che$150 pa$1500 salary yauri kuda kuti Mwari vakupe. kana uchitadza kuparidzira hama dzako chaidzo nemaFriends ako, do you think Mwari vangavimbe newe neVhangeri kuti uparidzire kuChurch kwako or nyika yako. kana uchitadza kunamatira vaugere nawo pamba penyu, shuwa Mwari vangakupe spiritual power yekuti unamatirwe vatorwa. Mwari vangavimbe newe here? Can GOD trust you? kana uri munhu asingavimbike then hapana chinouya kwauri. But ukagona kutendeka, you shall receive more. Matthew 25: 29Nokuti wose anazvo achapiwa zvimwe, achava nezvakawanda. Ani naani asina, kunyange nezvaanazvo achazvitorerwa
Posted on: Sat, 19 Oct 2013 06:38:56 +0000

Trending Topics



ht:30px;"> When You Are Talking To Someone And you Realise That You May Not
Buy Trek Season Cotton Canvas Sleeps Click on the link below

Recently Viewed Topics




© 2015