CHENGETA MAI NABABA ***Share this sermon with your - TopicsExpress



          

CHENGETA MAI NABABA ***Share this sermon with your friends December 1 nhasi, zvichireva kupera kwenguva dzegore. Heyo, nguva yegore yafamba, miti yopfumvutira kureva kuti mvura yava pedyo. Iwe ugere zvako mudhorobha, ikoko kunze kwenyika, ipapo paunoshanda,,,,,,asi hauna kana zuva rawakambozvibvunza kuti,., zvino mvura zvainogadzirira kunaya iyo chembere neharahwa yakandibereka inorima neyi. Ko mbeu yavacharimisa vachaiwana kupi? Fashion ndiyo yaunogona kumhanya nayo? Technology handingatauri urishasha asi mai vachirima nembeu yemudura yakapfukutwa. Uneshuwa? Yaaaah imwe shasha kwanzi ini vangu varimuno mudhorobha havarimi. Heya? Unofunga kuti handidariki neko? Zvino iro gore zvarafamba wambovaitirei ivo vabereki vako ivavo? Saka mai vako votosvika pakushuva kuti dai ndiri hure ndodyawo yemwana wangu? Dai ndiri pastor or mai pastor ndodyawo yemwana wangu. Veduweeee unechokwadi here nezvaurikuita. Ndati CHENGETA MAI NABABA. Ungati ndiri nherera heeeeeeh ini baba kana mai handizivi kwavari but wakachengetwa iwe? Akakuchengeta uyoyo muchengetewoka. Ko hantie akakuchengeta? Zvimwe ndingadaro ndichitaura nemubereki ayarutsa kwanzi yanhasi ndeyevana,,,,,,,musakanganwa kuti hamuna kudonha kubva kudenga. Ivo vakakuberekai vanodawo kuchengetwa. Umwe kwanzi vakafa,,,,,idzo nherera dzavakasiya,,,,,vana vehanzvadzi kana madzikoma ako vanodawo kuchengetwa. Mubereki ane ropafadzo yako iwe,,,,,asi haungopiwi usina kushanda. Isaac yakwana nguva yekuda kuropafadza Esau anoti, enda musango unditsvagire nyama yemhuka (Genesis 27vs1-4). Akanga agara achida kuropafadza but anoti, ropafadzo iripo but handingakupi mahara, enda undoshanda. Iwe ndinzwisise, chero mai kana baba vakava vakashata zvakadii vanayo ropafadzo. Noah akatuka Ham mwana wake amhanya kundoudza madzikoma nesasimira kwababa vake. Iye yes akatodhakwa zvake akumura zvipfeko but Noah anomutuka uye nevana vake (Canaan). Vako ivavo vachiroya zvakadaro ngavaitirwe zvakanaka ropafadzo iuye. Sorry nhasi ndambopopota but ichokwadi. CHENGETA MAI NABABA woda kuti vachengetwe nemaNGOs iwe uripo shuwa. Nyarawo. Vabereki vako nevemurume kana mudzimai wako ngavachengetwe fairly.
Posted on: Mon, 01 Dec 2014 03:49:26 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015