Chillies Majabvi Boyfriend or girlfriend yako inogona - TopicsExpress



          

Chillies Majabvi Boyfriend or girlfriend yako inogona kukurasisa... Mkadzi wako kana murume wako anogona kukuramba... Teacher wako anogona kukudzidzisa zvimwewo zvisingatombouye muexam ukaswera wapafoira... Doctor anogona kuita inonzi wrong diagnosis akakupa mushonga usiriwo ukafa... Driver webhazi anogona kukotsira ari pasteering kudaro mese mukaparara... Securty guard waunovimba naye anogona kurara pabasa zvinhu zvikabiwa... Lawyer wako anogona kukunyebera kuti unoibuda nyaya iyi asi tozokuona wavharirwa kujere uko... Bakery rinogona kumuka risina chingwa hanzi gorosi(wheat) taishaya... ASI NHASI NDAUYA NENYAYA YAMAMBO WEMADZIMAMAMBO... Uyu anotaurwa neshoko kuti HE NEVER SLEEPS NOR SLUMBER - Psalm 121:4... uyu haana wrong diagnosis yaanokupa nokuti ndiye Jehovah Rapha, akakubata wanaka... Uyu akapindira nyaya unobuda neWIN chete - HAAKUNDIKANE... chaareva areva hapana anokwanisa kuchishandura... Waasimudza atosimuka zvachose hapana anopikisa... Paavhura hapana anovhara... ukamupa steering yehupenyu hwako, be rest assured you will be in safe hands and you will reach your destination... Ndiye CHINGWA chehupenyu, hapana musi unonzi gorosi rashaikwa chingwa hakuna nhasi - HIS WORD IS HERE NOW TILL AMEN... HE IS NOT A MAN THAT HE SHOULD LIE - Numbers 23:19 - akati I LOVE YOU anotorevesa and izvozvo hazvishandurwe nesituation - kutonhord kupise ndiMwari... Ndosaka akatipa MWANAKOMANA WAKE MUMWE WOGA - John 3:16... NGAANAMATWE NOKUTI NDIMWARI
Posted on: Thu, 24 Oct 2013 06:43:31 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015