Hama munashe mari hapana anoiguta zvekuti anoti veduwe ini - TopicsExpress



          

Hama munashe mari hapana anoiguta zvekuti anoti veduwe ini ndakwana . Mumabasa umu vamwe vanoshanda aye ekuti Salary yavo yemwedzi inokwana kutenga motikari asi vave nemakore akawanda vachitambira asi havaiguti. Vamwe vane ma Company avanotopa munhu Pension asi ivo havasiyi mabasa avo inoramba isingakwani mari vachingochema chete? Nyika yedu yazara vanhu vane mutemarege wembada inouraya nechaisingadyi . Mari vanayo yakawanda motikari vanadzo dzimba vanadzo dzakawanda asi nanhasi vanoita semunhu atanga Temporary Teaching nhasi asina kana mubhedha anorara pasi . Kukara kwevamwe kwatisvitsa pakuita vapoteri kune dzimwe nyika . Zvose zvinodiwa nemari munazvo venyu vakadzidza kwete kuti vatsvake mabasa asi kuti vawane kwekuswera musadaro veduwe . Kusvikira riini muchinombora gaba reuchi mega kusvika riini vana venyu vachituhwinha mumukaka . Taiti tasvika Canan kwatichadyawo uchi nemukaka izvo kwete kana uchida mukaka wotouya nemombe dzako .Kana uchi zvahii huya nenyuchi dzako. Musadaro veduwe imi muchitengera imbwa dzenyu chikafu pane mwana arikufa nenzara . Kune mwana arikushaya kudya kunovaka muviri dzenyu imbwa dzichihukura nyama. Muchinhanya neimbwa dzenyu kune Vertinary pane munhu arikufa nekushaya mishonga . Nguva ndeyenyu #save#
Posted on: Wed, 10 Dec 2014 13:39:50 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015