Hatina Musha panyika. Pane song iya inonzi hatina musha - TopicsExpress



          

Hatina Musha panyika. Pane song iya inonzi hatina musha panyika, vazhinji they associate that song nepanenge pafa munhu, but chokwadi ndechekuti that song haina kuti pafa munhu here or not but it is fitting for every occasion. Ngatizive kuti pano pasi tiri vapfuuri,. Jesu akasiya avimbisa pana John 14:2-3 achiti Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo. Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri Iyi haizi sermon inonakidzwa kunzwa but ndicho chokwadi, problem ndeyekuti we have been surrounded nevaparidzi vanongotaura zvepano pasi chete zvekuti we end up thinking kuti pano pasi pari nani than denga rakaPromiswa naJesu. this world is now corrupt than ever, there are wars uko neuko, zvirwere zvawanda ana Ebola vatambudza west Africa, kupandukirana kwawanda, huipi hwanyanya, nzara, natural disasters, No wonder why Jesu akaenda kunotigadzirira kwekugara kwakanaka kusina zvese izvozvo. John anonyora iye kuna Revelations 21 achiti ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura, Mwari Achapukuta misodzi yavo yose pameso avo. Hapachazovazve norufu, kana kuungudza, kana kuchema, kana kurwadziwa, nokuti zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Hebrews 13:14 yoti For here have we no continuing city, but we seek one to come. (Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya) This earth is a lay-bye, hatigari pano, and ukaona uchida kuramba uri paLay-bye usingade kuendera mberi nerwendo then something is wrong. Zvako inogona kuti zvirikufaya but how do you feel uchiona mumwe achirara muStreet, marriage yacho inogona kunge irikunakidza but how do you feel uchiona mumwe achirohwa nemurume daily. You can drive the best car, but unonzwa sei neuyo arikushaya 5 rand zvayo yekuti aende kuClinic. Kana uine rudo rwaMwari mumoyo mako then zvinofanira kukubata. There is better place to come, kusina matambudziko ese aya. chishuwo changu kuti dai tese takwanisa kuzopinda iro denga. Its never too late kutoMaker decision yekupa hupenyu hwako kuna Jesu nhasi chaiye uise tariro yako mukudzoka kwake kwechipiri kwaakavimbisa apo achauya kuzotitora kuti tiende naye kudenga (the lyrics of the song) Hatina Musha Panyika Hatifare kuva pano Zvinofadza mweya yedu Kutsvaga Musha unouya Kutsvaga musha unouya 2. Hatina musha panyika Tinoda musha uri kure Zita rawo iZion Unopenya nguva dzose Unopenya nguva dzose 3. Musha une runyarararo Vafambi vachazorora Daindine mapapiro Ndaiuya ndizorore Ndaiuya ndizorore 4. Mweya wangu chinyarara Mwari anoziva nguva Ndichaita kuda kwake Iye wondipa zororo Iye wondipa zororo.
Posted on: Sun, 23 Nov 2014 04:02:28 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015