Havasati vatanga zvavo.. Vachatonyatsoku taura, vachakushoropod - TopicsExpress



          

Havasati vatanga zvavo.. Vachatonyatsoku taura, vachakushoropod za but kuhukura kwembwa hakumise chitima.. Ukaona vanaPeninah vowanda, ukaona vanokushoropodz a vawanda ziva kuti pane chakuda kuitwa naMwari muhupenyu hwako... Vana Tobia nanaSanibarat nekutaura kwavo havana kutadzisa Nehemiah kuvaka rusvingo... Ndogarotaura kuti magetsi kuti avepo panotoda a positive and a negative terminal zvoreva kuti vamwe vachiti hazviite iwe unenge uchiti zvinoita, vachiti hauroorwe iwe uchiti muchaatamba angu masteps, vachiti anodzoka mhiri kwegungwa asina chaainacho iwe uchivataurira kuti ivo ndovacharemerwa nemabag embatya nemagrocery pavachauya kuzokutambira.. Iwe tina Mwari anoti kana apindira munyaya yako bvunza vaShareck naMishck naAbedinigo vanokuudza kuti moto unoshaya simba rawo, zvinopisa vamwe iwe hazvikupise, vamwe vachichema iwe unenge wakachengeteka. . Ini ndirikunamata kwete kuti matambudziko asauye but kuti kana achinge auya I want to be a victor.. Mugomba reshumba ngavakukane but hapana shumba ichatenderwa naMwari kukuruma... NaJesu takakwana, NaMwari tirivakundi... Vanokucherera makomba gore rino ndivo vachawira maari, vacharomba mishonga ndivo vachaita marombe nemishonga yavo... Ndati vachatsvaga zvidhoma ndivo ngavadhomwe nezvidhoma zvavo in Jesus name... Aya matambudziko aurikuchema aya hauchazomaonezv e in Jesus name...AMEN
Posted on: Tue, 20 Jan 2015 04:19:28 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015