Inzwaka kanyaya karipano nhasi. Kana uchida kutama kubva muHarare - TopicsExpress



          

Inzwaka kanyaya karipano nhasi. Kana uchida kutama kubva muHarare uchienda Kadoma usina mota yekutakurisa zvinhu zvako unoenda wondotsvaga mota yeku Hire. Muridzi wemota akati anoda $150, iwe kana wangobhadhara mari yacho zvako zvapera, kunyange mukasangana nemapurisa munzira vanopedzerana nadriver coz ndiye muridzi wemota yacho hazvina effect kwauri. ZVINO isu pane kwatiri kuenda Jesu ndiye muridzi wemota (hupenyu) kana tikasangana nemapurisa (Satan) munzira chedu kungo dzikisa window(munamato ) chete toti taurai naDriver (Jesu). Saka nhai iwe muverengi ungada kuita bishi bishi kupopotedzana nemapurisa kuti mota ndeyako here. Hupenyu ndehwa Mwari Jesu anoti ndini kumuka nehupenyu. Satan ari pasi petsoka dzake. Ngatizivei Mwari wedu tivimbe naye. Ukasangana nedambudziko hasha ndedzei, udza Jesu mhani iwe ndiyeka muridzi wehupenyu. Ita AMEN kana wandibata zvakanaka ipapa!
Posted on: Fri, 11 Jul 2014 08:04:17 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015