Jehovha mbiri,rukudzo neruremekedzo tinozviisa kwamuri panguva - TopicsExpress



          

Jehovha mbiri,rukudzo neruremekedzo tinozviisa kwamuri panguva dzino tichidai kutenda nengoni dzenyu madai kuva nesu husiku hwose apo tanga tichizorodza nyama nemweya. Chivai nesu muswere wose wezuva apo tichandobata mabasa edu emaoko amakatipa,poresai vanorwara Baba,nyaradzai varikuchema vacheme vaine tariro. Chengetai nherera,chirikadzi,mapofu,mbeveve nezvirema zvavanoda zviswene vazviwane nenguva nekuti hapana mumwe wavanogona kuchemera kunze kwenyu imi Mwari vane tsitsi nengoni. Baba ivai nevana venyu vari munyika yeS.africa Jehovha nyika iyi ine uhure,ufeve,upombwe pamwe chete neumhondi,pindirai Baba nyika yedu inake tiwane kudzokera kwedu kunyika izere neunyoro,tsika pamwe chete nekunzwisisana zvese tinozviisa kwamuri panguva dzino. Muzita renyu neremwanakomana wenyu Jesu krstu Amen n Amen.
Posted on: Sat, 25 Oct 2014 02:27:22 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015