Jesu haasi a political leader wekuti ukamuti pamberi newe - TopicsExpress



          

Jesu haasi a political leader wekuti ukamuti pamberi newe nekushandiswa naye anobva akuti huya ugare kurudyi kana kuruboshwe kwangu pahigh table. NO! Ndozvaifungwa namai vaJames naJohn pana Matthew 20vs20 naMark 10vs35, apo vanoenda kuna Jesu kunokumbira favor yekuti machinda maviri aya agare kuright umwe muleft muhumambo hwedenga. Chiona kurasika kwaive kwakaita mhuri iyi nezvakavapa simba rekudaro. Mai vavo vaive sister yaMary zvoreva kuti James naJohn vaive macousins aJesu. Uyezve James and John ndovaive part of the inner circle, John ndiye aive wepamwoyo waJesu. Ndozve vakaitirwa nyasha patransfiguration dzekuona kubwinya kwedenga pamwe nekuona Moses and Elija live. Mai vavo ndomumwe wemadzimai akasara akarinda pamuchinjikwa paive pakaroverwa Jesu. Chinzwa zvavanoudzwa naJesu kutambura tingatambure hedu pamwe chete tigoita mabasa makuru muna Ishe asi zvekuzonogara pamwe chete muhumambo hwedenga ndezva Mwari baba kana ini Jesu wacho handitombozivi musi nenguva. Zvino mutendi kana mhuri iyo nehukama hwayaive nahwo namambo Jesu vasina kupiwa a guaranteed VIP entrance treatment into the kingdom of God, ko kuzoti iwe zvako. Ramba uri pasi hushe hwaJesu Kristu saIshe neMuponesi wehupenyu hwako kutanga uchitungamirirwa naMweya mutsvene, izvo zvinozoburitsa mabasa akanaka achaita kuti nyasha dziwanzwe pamusoro pako. Hatitange nemabasa akanaka asi kuti kuponeswa first. Judas waidya naye nekushanda naye akaripotsa denga iri.
Posted on: Sat, 17 Jan 2015 06:30:55 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015