Kana Jehovah asingavaki imba, Vavaki vayo vanovaka pasina. (Psalms - TopicsExpress



          

Kana Jehovah asingavaki imba, Vavaki vayo vanovaka pasina. (Psalms 127:1) dzokorodza kuverenga futi, ivo maBhiridha vari kuvaka but hanzi neVerse kana vakavaka ivo Jehovah pasina then vanovaka pasina. zvichireva kuti nyaya haizi yekuvaka chete but munofanira kuvaka naJehovah nekuti mukasadaro muri kuvakira pasina. hongu zvidhinha, cement, maDoor frame, munazvo but pakangoshayikwa Mwari apa shuwa you are wasting your time. ukaita collection yemaTextbook ese and all the best teachers/lecturers but ukaStuder iwe usinganamate shuwa unofoira. perfume mungatenge dzinodhura, hairstyle muchichinja everyday but ukatadza kunamata, shuwa haurorwe even though wakanaka. paCompany muingate maStrategy api neApi but ukatadza kunamata chete, business rako harifambe. in everything you do, isa Mwari mukati kuti zvifambe. kana tichiti kunamata handireve kungopfugama chete uchitaura kuna Mwari but ndinoreva kuita zvese zvinotaurwa naMwari kunzi ita and kurega kuita zvinonzi naMwari rega kuita. Mwari ngavatungamire construction dzese dzaunoda kuita.
Posted on: Wed, 16 Jul 2014 11:19:55 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015