KuCasher Nyoka. Kuma combi kune language yekuti - TopicsExpress



          

KuCasher Nyoka. Kuma combi kune language yekuti kuCasher, zvichireva izvo kuti at the end of the day hwindi naDriver vanoenda kunopa muridzi weCombi mari yavawana, ndiko kunonzi kuCasher. But kune rimwe statement rekuti kuCasher nyoka, zvichireva izvo kuti munoenda kune muridzi weCombi musina kubata target yamapihwa but muchingotaura maStories heee tasungwa nekanzuru, tabatwa nemapurisa eBike, tabatwa neVID, etc etc. Ndiko kunonzi kuCasher Nyoka, kutadza kubata target but kungouya neNyaya dzvino tsvedza tsvedza kunge nyoka. Likewise let it be our policy semaChristu kuti pakudoka kwezuva rega rega maDemon paanoenda kuna satan kuno casher, vanofanira kuCasher Nyoka. The kingdom of darkness must fail to meet its target. Panodoka zuva rega rega, maDemon ngaaende neFeedback kuna satan kuti munhu uya wangamuchida kuti aite hupombwe aramba, mbavha iya yaparidzirwa ikatendeuka, munhu uye tatadza kumuuraya neAccident because he was praying the whole journey, sisi vaya tatadza kuvakanganisa because she resisted every temptation. Hama wadiwa. Let it be you goal everyday kuti satan nemademon ake vatadze kubata target, vanofanira kuCasher nyoka, they must be dissapointed, mweya yetsvina ngaishandire mahara, mademon anofanira kupedza zuva rese achishanda but with no result at the end of the day. Zvinogoneka hama, zvakuda kuti ini newe tigare tiri vanhu vanonzvenga zvakaipa with the help of The Holy Spirit, tiparidzirewo vamwe vakarasika kuti varege kubatwa newakaipa, praying for others who need prayers, living in accordance with the Word of God. Humambo hwasatan vanofanira kuCasher nyoka, ngavashaye chinobatika chavaita zuva rega rega. Kana dziri accounts dzaanoita satan he must record losses daily kusvika Jesu achidzoka
Posted on: Sun, 24 Nov 2013 12:56:28 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015