Let it go kana uchida kuona ruoko rwaMwari muhupenyu hwako. - TopicsExpress



          

Let it go kana uchida kuona ruoko rwaMwari muhupenyu hwako. Ungagotambidzwa sei iwe wakapfumbata. Pane zvakanaka zvatakapfumbata tichifunga kuti zvakatokwana nekuti nakira, izvo zvisina. Urikuda kuropafadzwa nemba yako asi one room yauri kugara izvozvi hautomboda kuti hama neshamwari dzikushanyire kana kukanzi touya here kumba kwenyu kumunamato unotarisa pasi. Vacho vanadzo dzimba kare ndosame attitude iyoyo apo uri kuda bigger house. Uri kuda twin or smart cab asi kasedan kaunako vanhu havotokwiri kuChurch vanotoshaya chifambiso asi iwe unacho. Uri kuda mari zhinji asi uri chapungu chaicho panyaya dzemari. It is more blessed to give than to receive(Acts 20vs35). Aiwa mudikani kana Mwari vati let that thing go rega zviende kuti denga rizaruke. Kozotiwo pane vakabatirira pane zvakashata zvakaita sebitterness nemweya wekusaregerera neruvengo. Zvino unogopiwa sei rudo nezvimwe zvakanaka iwe wakapfumbata zvakashata. Hona Abraham baba vekutenda anonzi naMwari, Let Isaac go(Genesis 22). Aaaah ko zvaari mwana wechipikirwa mugari wenhaka and conduit of blessings kumarudzi ese, Mwari mukuti ngaende sechipiriso sei zve. Ehe ndozviripo asi ndozvataurwa nedenga. Abraham haana kupikisa, haana kugara tumatare even naSarah mudzimai wake. Zvimwe zvinhu zvinoda kungoitwa saizvozvo nekuti iwe ndiwe wataura nedenga wega. Akangoterera zvainge zvataurwa nedenga. Obedience! Hama yangu, hazvisi nyore at times to let it go. Chimboona kuti Abraham akaita three days achifamba kuenda kugoma reMoriya kunouraya mwana wake waidisa. Mazuva matatu here akomana uri panguva yakaoma and mind Isaac ainge ava chijaya. Dzimwe nguva Mwari vano tester commitment yedu towards towards zvatiri kuti takuita ndozvimwe zvakaitika parwendo urwu. Unogona kuita nguva yakati rebei usati wagamuchidzwa zvedenga after waita let it go. Be patient. Hazvisi nyore asi ngazviitwe nekuti denga rino ziva zvakatinakira, haaa l can imagine zvaiita mwoyo nemumabhonzo aAbraham painge akusimudza ruoko nebanga kuti auraye Isaac. Asi ndopanobva pazaruka denga ipapo zvamuchose. And Mwari ndopavano pedzisira kupika pamusoro pavo nekubva vaita Sungano naAbraham. Let it go. Ziso harisati raona, nzeve haisati yanzwa, ndangariro hadzisati dzabata izvo Mwari vakagadzirira avo vanovada(1 Corinthians 2vs9).. Jbango.
Posted on: Fri, 16 Jan 2015 18:35:47 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015