Lets Pray Together. Baba vari kumusoro kudenga vagere pachigaro - TopicsExpress



          

Lets Pray Together. Baba vari kumusoro kudenga vagere pachigaro chehumambo Mwari wamasimba ose ndinoreva iyemi Mwari akatendeka Mwari asinganyadzise vana vake vanomunamata mumweya nemuzvokwadi. Mwari wamasimba ose ndinokunamatai nekukutendai nekuda kwehupenyu hwangu. Baba ndinongokutendai mangwanani ano nekuda kwekundichengeta kwamunoita pasina muripo kana mubhadharo. Muri Mwari vane rudo muri Mwari vanoshamisa uye muri Mwari vasingakundikane. Mangwanani ano ndinodaidza zita renyu rechikuriri mukati mehupenyu hwangu ndichiti batai neruoko rwenyu rwerudyi in every part of my life in every single step i take in my life. I need your touch in my life Jesus. Taurai mukati mehupenyu hwangu. Wonekwai mulife Jehovha yangu. Zvandinobata nezvandinofunga zvose ropafadzai Jehovha. Pandinopinda nepandinobuda ngaparopafadzwe nezita renyu Jesu weNazareta. Mangwanani ano ndinotaura nyasha dzinobva kwamuri Jehovha. Baba mutsai any DEAD AREAS IN MY LIFE ndinoziva kuri muri Mwari weminana muri Mwari asingakundikane. Ndinoziva nekutenda kuti, "ITS NOT YET OVER UNTIL YOU SAY ITS OVER" ndinoziva uye kutenda kuti zvangu hazvisati zvaramba muri kuzondionesa minana yenyu GORE RINO RA 2013 RISATI RAPERA. Zvose zvakafa mulife yangu muri kuzozvoita zvipenyu. Pose panonzi nevavengi vangu ITS IMPOSSIBLE ndinoziva nekutenda kuti imi muri kuzozviita ITS POSSIBLE oh muri Mwari weminana imi. Mwari ndiitire zvidhafu dhafu kuti vose vanondimukira vagoziva kuti ndinonamata MWARI MUPENYU. Ndisingakanganwe kunamata nekuda kwevanorwara vari muzvipatara zvakasiyana siyana Mwari wangu varangarireiwo mangwanani ano vaitireiwo nyasha vaponesei Jehovha kunyangwe ne vanotambura vasina zvokudya, vasina pokurara, vasina zvokupfeka varangaroireiwo. Ndisingakanganwe zvakare vose vari kufamba nengoro dzemoto vachienda kunzvimbo dzakasiyana siyana. Ndinonamata kwamuri Mwari wangu kuti batai mweya yakaipa yekudeuka kweropa mumigwahwa. Ndinoramba mweya wechisatanism wekupedza vanhu mumiggwagwa nezita neropa raJesu weNzareta. Muzita nemuropa raJesu Kana wanamatawo munamato uyu daira amen kuna Jesu mwana waMwari
Posted on: Wed, 02 Oct 2013 05:07:58 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015