MACHESO confesses. Handisirini ndakazvinyorawoo, Handisi rini - TopicsExpress



          

MACHESO confesses. Handisirini ndakazvinyorawoo, Handisi rini ndakazvitaura. Ndangokokotawo mugapu renhaurwa. Garikai Mazara (G.M): Makadii VaMacheso, toti makorokoto egoredzva (2015). Alick Macheso (A.M): Tinotenda Gari, ndinoti kwauri pamwechete nevatsigiri veMberikwazo makorokoto egoredzva . G.M: Vatsigiri venyu vanga vakatarisira zvitsva gore rapera asi hapana chakabuda, mungajekesawo kuti zvakafamba sei?. A.M: Ndinoda kukumbira ruregerero kuvatsigiri asi ndinovimbisa kuti pakati pafebruary ndichaburitsa damba refu rinonzi “Zvangu Zvaitawo” G.M: Mungajekesawo nezvedamba refu iri. A.M: Iri idambarefu rinenziyo six, so far takwanisa kutsikisa shanu kwasara imwe chete yatirikushanda inonzi “Dhonza Magitare” G.M: Ok, asi zita redambarefu nenziyo yenyu yasara zvakada kurerekera kuna Leonard Zhakata, mungatsanangura kuti zvakamira sei? A.M: Ndiri mutsigiri weZORA, ndinechishuwo chekusvika pakasvikawo Zhakata ndosaka muchiona zvinhu zvangu zvizhinji zvakarerekera kuZORA. Ndinechishuwo chekuitawo hunhu hunoyemurika sehwaZhakata uye kugeza sezvinoita vagoni vebasa. Saka paakati zvangu zvaita ini ndiri kuti Zvangu Zvaitawo, iye akati Dhonza Makomborero ini ndiri kuti Dhonza Magitare..pamorohwa magitare asingaiti panziyo yacho. G.M: Chimbotiudzaiwo nezvebass guitar renyu rinemukumbira ramunobata nemazvo kudai. A.M: Ndakazvionawo pana Zhakata panaMugove, akazvidzokorodza panaHupenyu Mutoro. Ndakazviyemura ndikati ndodawo kuzviita. G.M: Panegitare ramakarova panaMadhuve rakada kurerekera kune rakamboridzwa naZhakata rinozoimbwa richinzi “kuenda joni uchisiya ngoda muZimbabwe”, makazvifambisa sei? A.M: Ndakarinzwawo pana Aita Chake (Hombarume) rakandinakidza chaizvo. G.M: Ko kadance kenyu kaSlomo.. Ndimi makatanga nako. Makakafunga sei? A.M: Haaaaaa ndaitotamba paya pandaiti ndini ndakatanda nayo slomo, ndakaiona pavideo Gomba Remarara. Handisi ndakatanga nayo ini. G.M: Ko pamakati “Zorai Butter” zvakanga zvafamba sei? A.M: Sekuziva kwenyu ndiri mutsigiri mukuru weZORA Music, ndakangobatanidza Zora Music naPaneziya Pane dovi (Peanut Butter). Ndopandakapinda neZORAi Butter. G.M: Chimbotiudzaiwo nyaya yekupfeka Suit nemaSnickers.. makaikopawo kunaZhakata here? A.M: Aiwa iyo istaerawo yangu, ndanga ndaona kuti ndanyaya kukopa ndikati rega ndimboitawo zvangu. Ndinechishuwo chekuonawo vanamurondatsimba vachitevedzerawo zvandinengendaita. G.M: Panewo zvimwe zvamungade kuzivisa vatsigiri venyu here? A.M: Ndodakuvazivisa kuti zhakata ndiye mukuru wemagitare,ini ndinongoronda tsimba dzake. Paya pandakati simudza Johannesburg ndandanzwa achiti Simudza Mureza. NditoriZORA CADRE ini. G.M: Tinokutendai VaMacheso nenguva yamatipa. Muvenezuva rakanaka. A.M: Ndinokutendawo nekundipa mukana wekutaura zviri mumoyo mangu. 2014 takaDhonza Makomborero, 2015 tirikuDhonza Magitare.. Devine mutsa iwe, tifambe nayo… kete pakete sundaymail.co.zw/alick+macheso+confesses/zhakata+vagoni+vebasa
Posted on: Thu, 08 Jan 2015 14:35:00 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015