MASTAGES EKUDHAKWA: 1. PEACOCK STAGE -Kana munhu achitanga - TopicsExpress



          

MASTAGES EKUDHAKWA: 1. PEACOCK STAGE -Kana munhu achitanga kunwa anenge achizvida/smart zvokuti after a sip anopukuta muromo uye paanogara anotanga apapukuta.Music anenge achiita zvekugutsirira segentleman. 2. SHEEP STAGE. Iyi inowanzoitika kwekanguva kadoko, munhu anenge achiti akatsikwa nemumwe ndiye anototanga kuapologizer, anenge ari peacemaker. Akaona mahure moyo wake unotosviba coz vanenge vakamushatira. 3. MONKEY STAGE. apa doro rinenge ravakupinda zvokuti munhu anenge angwarangwara achicheuka cheuka. Pakaridzwa music anojaivha zvokuti ende zvichindirana, kahusmart kanenge kavakupera, uye mahure ange amunakira zvokuti anenge otoshamiswa kuti vana vechikoro varikutsvagei mubhawa 4. DONKEY STAGE. Apa shasha inenge yakiiwa zvokuti ikajaivha inenge yodonha yoga, pakugara haachasarudzi uye kana doro rikamuteukira haazvitsvagi. Tai nebhachi zvinenge zvakandwa uko. 5. LION STAGE. Apa panenge paipa coz vanhu vose vanenge vava vana uye shasha ikatigarei inotambisa tambisa mhasuro, kungomutsika chete imbama, kungo ona munhu anoswedera padyo nehure rake ifight. Kazhinji ndipo panosungirwa zvidhakwa zvose. 6. PIG STAGE Apapa ma1 manje nokuti simba rose rinenge rapera its either unochema nekufunga hama dzakafa kare kana kungonakirwa nekuchema, kanakuti unozvimamira, kuzviwetera, kuzvirutsira, kurara zvokuramba kumuka, kusechiwa mari nemafoni kana kunorova nyoro. Saka iwe unogumira pa stage ipi usandinyepera uye tumirawo zvimwe zvidhakwa
Posted on: Wed, 10 Dec 2014 15:54:11 +0000

© 2015