Masvingo Netara Morning Devotions Isaiah 40 vs 31 Asi - TopicsExpress



          

Masvingo Netara Morning Devotions Isaiah 40 vs 31 Asi vanomirira Jehovha vachapiwa simba idzva vachabhururuka nemapapiro semakondo vachamhanya vasinganeti vachafamba vasingaziyi. Mudikani zvahii vanomirira Jehovha vachapiwa simba idzva zvichireva kuti hupenyu uhu hunorema dai hwaiva husinga remi hapana Jehovha chaifanira kukupira simba idzva . Hupenyu uhwu zvahii kuchamhanywa hupenyu uhu vanhu vachaziya kuwira pasi . Asi vanomirira Jehovha Vachapiwa simba idzva. Hupenyu hunosvika pakukuremera hupenyu hunosvika pakukuchemedza asi vaya vanomirira Jehovha vachapiwa mufaro mukuru, Mudikani tava mukupera kwegore kune vakamirira kuroogwa ukamirira Jehovha vasipo uchachema . Zvakawanda muhupenyu zvinoda kuitwa nesu vanhu asi kana tikada kuzviita Jehovha vasipo tinozviitira pasina. Vanomirira Jehovha vachapiwa masimba matsva Mirira Jehovha mudikani .Usamirira munhu nekuti achakuchemedza mwana wamai vangu. #Save#
Posted on: Wed, 04 Dec 2013 05:05:45 +0000

Trending Topics




© 2015