Mharidzo Series- Custom made god (part 4) Sub Title- From God - TopicsExpress



          

Mharidzo Series- Custom made god (part 4) Sub Title- From God to god of gold Scripture reading: Exodus 32:1-4 You will see kuti mazuva ano vanhu vazhinji vavakunamata, most people vava nemaChurch avanopinda, vamwe vanotopinda 2-2 maChurch, kuti makuseni ari kune imwe church and masikati oenda kune imwe. Kunamata kwakanaka kwazvo, hakuna kuipa but ndiyani wauri kunamata ndipo pane nyaya, ndiMwari here kana kuti une mumwe mwari wako wega, by the way its either uri kunamata Mwari chaiye akasika denga nenyika or uri kunamata satan. Hakuna middle ground, any other god is the devil. Vamwe vanobva vakaka nharo kuti aiwa kunamata kwakafanana, but ziva kuti pane pamwe pamunogona kunamata mhuru yeGold yagadzirwa naAaron muchifunga kuti muri kunamata zvakanaka but imi muchirasika. Tava kurarama mumazuva ekupedzisira ayo akagarwa aporofitwa kunzi vanhu vachanyanya kuda mari (2 Timothy 3:2) and iko kamudiro kamari aka some people are now taking money to be their god, (small letter g). kutenda kwevamwe kwava mumari, they now believe in the power of money more than the power of GOD. Money has turned into a “god” for some people ndiye ava custom made god wavagadzira kuti vamunamate asi iye Jesu oti no man can serve 2 masters, haugone kunamata Mwari chaiye and mammon the god of money at the same time. Hazviite. Its either you love mammon and you hate the other or you love GOD and hate mammon,. (Matthew 6:24) Mari haina kuipa but chanzi naBible is evil is the love of money. Kana ukakoshesa mari kupfura ivo Mwari then you are in danger, and idzo nzira dzaunoshandisa kuwana mari must be clean and even how you use it, it must be used nenzira dzinofadza Mwari. Anything other than that unenge uchirasika. Nhasi ndichienda mberi nevana veIsrael avo vakaRequester Aaron kuti avagadzirire mwari anovatungamira kuenda kuCanaan since Moses ainge anonoka kudzoka kubva mugomo mainge aenda kunotaura naMwari. Musoro weshoko uchiti iwo “from God to god of gold”. Vanhu vakabva from kunamata Mwari chaiye and vakatanga kunamata goridhe samwari wavo. Aaron anoudza vanhu kuti bvisai maGold earrings mundipe kuno and he used jewellery iyoyo kugadzira chimhuru chegold chakazenge chavakunamatwa nevanhu. maEarring evanhu ndiwo asandurwa kuti aite chimwari cheFake, pachenjerere ipapo pekuti you convert your wealth ikapedzisira yava mwari wako. Wavakuisa faith yako muBank account yako and not in GOD. you are now more after money more than the desire to serve God, wasandura pfuma kuti ive mwari wako. Aaron instead yekuti aite faith raising, yekusimudza kutenda kwevanhu kuti vave nePatience vamirire kudzoka kwaMoses mugomo, he chooses kuvaitisa fund raising, “hunzai mhete dzenyu dzegold”. Instead of faith raising he goes for fund raising. Vachenjerere vafundisi vekuti they are not concerned about raising your faith kuti umirire kudzoka kwaJesu but anoda kuti ubiditse mari chete yekuti iye chikwama chake chizare. More concerned about fund raising rather faith raising. Vhangeri racho harizi rekuti mirirai kudzoka kwaMoses kubva mugomo, aiwa, nderekuti hunzai maEarrings enyu, vhangeri racho harizi rekuti Jesu anodzoka be patient and wait for Him, aiwa, nderekungonzi kandai mari muBasket. kuColllectwa kwemari muChurch hakuna kuipa but motive yakutumai kuCollecter mari yakanaka here, murikuzviitira Mwari here kana kuti you have other motives. Aaron akaCollcter “offering” yemaEarrings egold, kwete kuti aiCollector on behalf of GOD but aida kugadzira a fake gold. Ummm , iwo maOffering amuri kubvisa aya, ndeaMwari zvechokwadi here kana kuti pane irikutambika muchigadzirirwa mwari wefake. Of all the things, vanhu vakanzi hunzai maEarrings eGold, havana kunzi hunzai mbudzi, or hembe dzenyu or any other metal or physical thing but vakanzi hunzai mhete dzeGold. All because gold ine value hombe kupfura zvinhu zvizhinji. It is attractive. Ndiyo tsika yasatan anoda kushandisa pfuma kuMisleader vanhu because of its value and its attraction. Vamwe varasika nekuda kwekutera monetary value yepfuma, but achikanganwa kuti Jesus is worth more than pfuma yauri kuda kunyengedzwa nayo. Regai ndipedzise neScripture 1 Timothy 6:9-12 9 inoti Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji uye kunokuvadza kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa. Nokuti kuda mari ndiwomudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji.Asi iwe, munhu waMwari, tiza kubva pane izvi zvose, uye utevere kururama, umwari, kutenda, Rudo, kutsungirira nounyoro. Irwa kurwa kwakanaka kwokutenda. Ubatisise upenyu husingaperi hwawakadanirwa kwahuri pawakapupura kupupura kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. Chenjera kubvisirwa Mwari chaiye ukaisirirwa chimwari cheFake, from the true GOD to the god of gold.
Posted on: Sat, 27 Dec 2014 13:14:26 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015