Mharidzo Series- Custom made ‘god’ Part 3 Sub Title- - TopicsExpress



          

Mharidzo Series- Custom made ‘god’ Part 3 Sub Title- Prophet Zvido Zvevanhu Scripture reading: Exodus 32:1-4 Panhau dzekunamata one sure way yekurasika nayo is just to do zvaunonzi nevanhu ita, or just do anything uine chinangwa chekufadza vanhu, kurasika kwako kuri very easy nekuti sometimes kufadza vanhu can also mean kuti you offend GOD at the same time. Moses akanonoka kudzoka mugomo umo maainge aenda and the people complained about this delay, kwakuudza Prophet Aaron kuti hona we don’t know what has happened kuna Moses, saka iwewe chitigadzirira zvimwari zvinotitungamirira, tigadzirire a custom made god, & Bible roti iro Aaron akavaudza kuti take off maGolden earings mundipe kuno, people listened to him ndokuvagadzirira chiumbwa chegold icho chaakavaudza kuti uyu ndiye mwari wenyu akakubuditsai muEgpyt. Aaron was not just an ordinary man asingazive Mwari, but he was actually a Prophet of the true living GOD but apa akasvika pakukanganisa akagadzirira vanhu mwari wefake nekuti vanhu vainge vamukumbira kuti aite izvozvo. he listened to what the people wanted and not to what GOD wanted, ndokusaka musoro weshoko ndaupa a title yekuti Prophet Zvido zvevanhu…..Prophet Aaron vakakoshesa zvido zvevanhu kupfura zvido zvaMwari. How many times as Christians patinokoshesa zvido zvevanhu more than zvido zvaMwari. Tichinyatsoziva kuti what they want me to do is very wrong before GOD but nenhau yekuti tinotya kubuda pachena or we want some rewards kubva kune vanhu we end up tavakuita zvinhu izvozvo zvekufadza vanhu but tichitadzira Mwari. Pama 10 commandments (Exodus 20) it was clear kuti Mwari vakati usave nevamwe vaMwari kunzi kwangu, Aaron auziva mutemo uyu but it is that very commandment yaakakumbirwa nevanhu kuti atyore….Aaron tigadzirire zvimwari, but iye Aaron achiziva hake kuti this is wrong, he went ahead and did it. hameno kuti chakamu pusher kuita zvinhu zvaaziva kuti hazvidiwe naMwari. maybe it was fear akatya kuti if I don’t listen to what the people want me to do, ndinogona kurohwa kana kuurayiwa, if I don’t do what people want me to do, they will not like me saka better ndivagadzirire zvavari kuda…zvido zvevanhu kunyanya. Handizive kuti chii chinokuPusher kuti uvavarire kufadza vanhu more than kufadza Mwari by doing things zvaunoziva kuti zvakaipa. But kana iri fear inokupusher I need you kuti udzamise dzangariro dzako on this verse, Proverbs 29:25 The fear of people becomes a trap but whoever trusts in the LORD will be set on high. Iyi yekuyatya vanhu ichakupinza pakaoma. Im not saying usape vanhu repsect, NO, but ndirikuti kana yasvika nguva yekuti vanhu vanoda kukuitisa zvinhu zvaunoziva kuti zviri wrong, do not fear them, buda pachena in a respectful way uvaudze kuti izvi zvamuri kuti ndiite zvinopesana nedzidziso yandinotend maari. Luke 12:4-5“And I say to you, My friends, don’t fear those who kill the body, and after that can do nothing more. I will show you the One to fear: Fear Him who has authority to throw people into hell after death. Yes, I say to you, this is the One to fear! Musatye kuvaudza kuti function yenyu yekurova guva iyi handisi kuuya, itai mega, kana iri function than this Im willing to contribute and participate but iyi yekurova guva iyi handina kana cent randinobisa nekuti kutobvisa mari im financing kurasika kwenyu. Psalms 118:6 The LORD is on my side; I will not fear: what can man do unto me? Kana upna Jesu why should you worry about what people can do to you, are you forgetting kuti Mwari watinonamata is the Almighty, ndiye Samasimba, El-Shaddai, saka rega kutyiswa nevanhu nekuti uyu ari mauri is greater than uyo ari munyika. Prophet Aaron regai kutya vanhu but ityai Mwari. Vanhu vamaker request yavo, make us a god…tigadzirire mwari anotitungamira. Saka muri kutaura here kuti muCamp mese yeIsrael pashayikwa mumwe munhu anogona kugadzira chimwari cheFake, ivo vari kuMaker request ava vatadza here kuzvigadzirira vega a custom god wavo, why do they have to approach Aaron. Ndipo unoona kuti invitation yekunzi huya tipinde muchivi haina kutanga nhasi, even Lucifier (satan) paakapanduka he didn’t rebel on his won but akapanduka ne1/3 yeNgirozi and up to today, satan is still inviting people kuti vamujoine so that varasike vakawanda. Kune vanhu vasingade kupinda muchivi vega, they always want to invite others to join them, hazvigone kuti aende kunodhakwa ega anotoda anomubatsira kumwa vese, but kana achiita zvinhu zvakanaka he doesn’t invite you but kana yasvika nguva yekudhakwa ndipo paanokuti hande kumafaro. Vanowanzo kudaidza kumusha kana vachinge vafunga zvekupira vadzimu, havadi kuita vega vanoda kuti uJoine but kana paine anything chiri beneficial havana basa newe, ukangona number dzavo dzapinda, usati waidaira fopne unotozviziva kuti pane guva ririkuda kurohwa. But when the invitation to sin comes to you, stand your ground and humbly reject it. Proverbs 1:10 My child, if sinners try to entice you, do not consent! Prophet Aaron kana vanhu vachinge vaunza request yavo yekugadzirirwa a fake god, musaende ikoko rambai. Zvirinani kuurayiwa nekuti waramba kufadza vanhu but iwe wafadza Mwari than to be allowed to live nekuti wafadza vanhu but iwe watadzira Mwari. GOD will protect you rega kutya, He wont let you be harmed, even if ukafa He is able to raise you up on the day of Christ’s second coming. But manje vanhu vaunoda kufadza havagone kukumutsa pazuva rekuguma. Matt 16:25 For whoever wants to save his life will lose it, but whoever loses his life because of Me will find it. Prophet vakaita zvido zvevanhu, let me say this, hapana chakaipa kuita zvido zvevanhu but provided that zviri kuda vanhu izvozvo is the same thing chiri kudiwa naMwari ipapo hapana problem. But manje kana vanhu vachida something chinopikisa zvido zvaMwari, ah ipapo unotofanira kuramba, Aaron succumbed to the pressure yevanhu, even today tine vakuru vemaChurch who bow in to the pressure of their congregation. Vana vesangano vakapa pressure kuti mufundisi manyaya kuparidza nenyaya dzekuenda kudenga, tiri kudawo kumbonzwa mharidzo dzekugara kuBorrowdale, we want to hear maSermons ekuDriver maLexus, tiparidzirei zvatiri kuda kunzwa….make us a god…ipapo ndipo powoona Pastor vachiita zvido zvevanhu, vhangeri ratochinjwa in order to please the people. Kuita zvido zvevanhu kunoita kuti uve popular but zvichikupesanisa naMwari. hauna kubvira wazviona here back in school kuti paigona kuva naSomeone aiva nemusikanzwa achivavarira kufadza vanhu but akazodzingwa chikoro. Nekuva popular ikoko chikoro chakapera, Headmaster haana basa nekuti unodiwa nemamwe maStudents unoenda kumba zvakadaro with your celebrity status. Even kunaJesu unogona kudzingwa despite the fact yekuti waifadza vanhu, remember Jesus promised kuti pane vaachauudza kuti endai kwamaitira mabasa enyu but vanhu ava vanhu vaitoita zvinhu zvekufadza vanhu, they gave to charity, they casted out demons, they did many wonderful works in the eyes of men but havana kufadza Mwari, and vachadzingwa votadza kupinda denga,. (Mt 7:21-23) “Zvido zvevanhu kunyaya policy” ichakuita kuti vanhu vakugadzirise a fake god, uchagadziriswa mumwe mwari weFake neye kuda kufadza vanhu iyi,,uchaparidza manyepo nenyaya yekuda kufadza vanhu, ucharasisa vanhu vakananga kugehena nekuda kuvafadza. Kana uchida kuita enemy yaMwari just follow what the world wants you to do, go along with it. James 4:4 yoti whosoever will be a friend of the world is the enemy of God. Paul oti pana Vagaratiya 1:10 Dai ndakanga ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndingadai ndisiri muranda waKristu…..you cant be a men pleaser and serve GOD at the same time. Ukaona uchida kufadza vanhu at the expense of offending GOD then munhu wauri kuda kufadza iyeye has become your custom made god, ndiye ava mwari wako nekuti wamupa a higher position of authority more than Mwari chaiye akakusika. GOD first, and vamwe vanhu kumashure. Kana munhu achinge achida kuti uite chinhu chakanaka chinofadza Mwari then do it, but kana achida kukuitisa zvinopesana naMwari, please don’t accept it lest he/she becomes your god. It’s better to offend men and lead them to heaven than to please men and lead them to hell Acts 5:29, We ought to obey God rather than men.
Posted on: Sat, 27 Dec 2014 13:13:31 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015