Mharidzo Title: Zvaita Worse (Part 4 of 5) Scripture reading: - TopicsExpress



          

Mharidzo Title: Zvaita Worse (Part 4 of 5) Scripture reading: Luke 8:51-56 Jesu achisvika pamba paJairus he did not allow the people to continue to follow Him kunzwe kwaPeter, James naJohn, nevabereki vemwana. vamwe vese vaitevera vakasiwa panze. Pane zvimwe zvinenge zvavakusada crowd, but zvakuda kuti umire naJesu mega and maybe with a few other people vaunoziva kuti ava vanondibatsira pakunamata kwangu, kwete zviya zvekuti kana waita problem you rush to tell every Jack and Jill, dambudziko rese rakuwira unoita make sure kuti waudza vanhu paFacebook but Mwari hausati wavaudza, kaProblem kese kawasangana nako whether big or small unobva waTwitter kana kunyora iri whatsapp status. Hapachade crowd apa but pavakuda Jesu. Crowd haigone kumutsa mwana wafa, chavangakwanise ndechekungoti ahhh very sorry nematambudziko, chemai netariro, maida kuti zviitirwe ani but kuti crowd imutse mwana wako havazvigone, zvinotoda Jesu izvi. Vanhu vanogona kungokupa comfort muProblem but pane zvimwe zvavasingwakwanise kuSolver zvinotoda Mwari iye pacheZvake, so don’t waste your time looking for sympathy from the crowd but tsvaga Jesu paSituation yako. Jesu achipinda mumba anoona vanhu varikuchema and he tells them kuti do not weep, musacheme, mwana haana kufa asi akarara. Jesu haana kutanga nekumutsa mwana akafa but akatanga nekunyararidza type iri kuchema, ndizvo zvaanoita remember paya paakasvika paGuta reNain paiva nevanhu vaienda kunoviga mwana weshirikadzi ainge afa, Jesu haana kutanga nekumutsa mushakabvu but akatanga nekunyararidza amai vaichema, before he raised the dead. (Luke 7:11). Zvimwe zvinotoda kuti utange wamira kuchema uone Mwari zvaachakuitira, nekuti kuchema kunogona kureva kuti hautende, you do not believe. Nekuti surely kana Jesu achinge asvika paFuneral sei muchiramba muchichema, handiti ndiye here anogona kumutsa vakafa, why should you continue to cry, instead muri supposed kuCelebrater kuti zvaita zvakanaka nekuti Jesu asvika. Manje vanhu vepanhamo iyi vakaramba vachichema neProblem yekuti they did not know what kind of power did Jesus have. Dai vaiziva simba raJesu rekumutsa vakafa, they were not supposed to continue crying. Chimwe chachemedza mumwe munhu nhasi inyaya yekuti haazive simba raMwari, you continue to cry, cry and cry a river, pillow inoita kutota nemisidzo munhu achichema akarara nekuda kwezvaari kusangana nazvo, kumwe kuchema inhau yekuti hatizive simba ranaJesu watakagamuchira, if we knew that power hataifanira kuchema but kuCelebrater kuti Mwari izvi varikugadzirisa. Do not weep, ndiyo message yakaturwa naJesu kune team yaichema, and this message is very common panhamo, anyone anogona kuuya kwauri achiti please do not cry, chiregai henyu kuchema, its really a common message but kana ari Jesu arikutaura message iyi, it has a different meaning from what others are saying. An ordinary person anogona kukuti do not cry and zvinoperera ipapo, chaangwakwanise kuzokubatsira nacho maybe imari yekutenga coffin, but kana ari Jesu ukanzwa achiti usachema, ziva kuti anaro simba rekugadzirisa chacho chaita kuti ucheme, he has that power to raise the dead child back to life. Vanhu instead yekuti vanyarare kuchema Bible rinoti And they laughed him to scorn, knowing that she was dead. Vakamuseka, nokuti vaiziva kuti akanga afa. Vanhu vanga vari kuchema ava, but Jesu paati musachame mwana haana kufa asi akarara, they changed gears, kubva muGear number 5 rekuchema, straight vakananga muReverse gear rekuseka iye Jesu. Vanhu vanga vachichema manje manje apa iri yowee maiweee, but wozonzwa yava kikikikiki, pasi dhii nekuseka, hahahahaha kuri kuseka Jesu. Varikuseka wacho ari supposed kumutsa mwana. Ummmm hauzi kuseka Mwari here paari supposed kukubatsira. Statement rinorwadza nderiri muBible rechirungu (king james version) yati they laughed him to scorn….kana zvichinzi to scorn zvinoreva kushora openly. Saka kuseka kwaivo kwainge kusiri kuseka kuri ordinary but kuseka kwekuda kusvotesa munhu. And I think you know the difference, kana munhu achiseka a joke anesekawo zvine kahunhu but kana munhu achiseka zvekusvotesa anoseka zvekuda kubhowa, anoda kumanikidzira kuseka zvisina control, zvisina hunhu and such a laugh can last longer than an ordinary laugh nekuti chaari kuda ndechekukubhowa. Galatians 6:9 yoti musanyengerwe Mwari haasekwe, chaunodyarwa ndicho chaunokohwa….they made fun of Jesus but verenga next verse uone vachinzi budai panze…they failed to witness miracle yekumutswa kwemwana all because of nyaya yavo yekuseka Jesu. Chenjera kupotsana nezvakawanda nenyaya yako yekuda kuseka zvinhu zvaMwari, pese pese kkkkkkk, hahahaha nezvisingasekese zvese unongoseka. they laughed him to scorn, knowing that she was dead…..vanhu ava vaitoziva kuti mwana afa, they had proof, hurwere hwemwana vakauona and varikunyatsoziva kuti murivi watonhora, the temperature is no longer 37 degrees, mwana haasisina pulse, hana haicharove, the chest is no longer moving, all the signs were there dzekuti mwana afa. But ndipo paauya Jesu achiti mwana haana kufa but akarara, that’s why vaseka, nekuti ivo vari kuBeliever evidence yavaona. 2 Corinthians 4:18 yoti we do not focus on what is seen, but on what is unseen. For what is seen is temporary, but what is unseen is eternal. Danger inogona kuitika muzuva ranhasi is that a person can believe scientific evidence kupfura Mwari akaita kuti kuve neScience. I remember mumwe airamba nyaya yaNoah achiti kune vanhu vakaita research yavo vakagadzira the ark yakangofanana neya Noah using the exact measurements and the exact material dzakashandisa naNoah and pavakiisa mvura yakaparara. So he believed the research yakaitwa nevanhu more than zvakafemerwa naMwari muBible. I asked a question yaasina kuzondipundira ndikati Noah akavaka Ark mushure mekunge atumwa naMwari, He had divine back-up, ko aya maResearchers aya ark yavo which they made vainge vatumwa naMwari here?…ziii haana kundipindura. manje Bible rondiudza kuti Psalms 127 kuti vavaki vakavaka Jehovah pasina vanovakira pasina, vachengeti veguta vakachengeta guta Jehovah vasipo vanochengetera pasina…no wonder why those guys failed because zvainge zvisina authorisation yaMwari. Evidence vanayo yekuti mwana afa, that’s why vaseka Jesu paati mwana haana kufa but akarara. Whose report shall your believe, hameno kuti unotenda zvipi, zvinhu zvanyorwa muNewspaper nemunhu ane 2 months asingawane salary yake versus shoko raMwari Bible. Whose report shall you believe? Research yevanhu here or shoko raJesu,. to be continued
Posted on: Thu, 23 Oct 2014 11:05:25 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015