Mumwe murume aiva atengera mukadzi wake Ring inodhura kwazvo - TopicsExpress



          

Mumwe murume aiva atengera mukadzi wake Ring inodhura kwazvo achibva ainyoresa zita remukadzi wake. Akabva abatwa na satani ndokuita small house achibva afunga kuramba mukadzi wake asi akamushaiwira mhosva. Akabva aona weakness yemukadzi wake kuti anongobvisa bvisa Ring achibva apopota vakatenderana kuti nemusi waanorasa Ring inodhura iyi ndokupera kwemuchato, vakanyorerana pasi. Rimwe zuva mukadzi uya achiwacha akabvisa Ring akaiisa pakadombo, murume uya ndokunyahwaira nyahwaira akaiba akanoikandira mu Dam to make sure. Mukadzi akatsvaka Ring agochema, agonamata asi murume akati mangwana wofumira kurongedza twako twose, ndichauya ne Lorry yekuzoisira zvinhu zvako. Mukadzi haana kumborongedza asi aingoimba zvake ma Hymn ekuchurch kwedu, achiridza Worship Addicts achinamata, achimboona ma disc eku Rufaro achingotenda Mwari kuti chero ashaisisa Ring asi Ndichengetedzei munyasha dzenyu. Misodzi iri pamatama amai veku Church ava vakanzwa munhu aidaidzira Fish vakanyatsoshara hombe yacho vakati, Murume wangu anofarira fish, regai ndimubikire the best zvimwe ndisati ndaenda, hongu ndakaputsa chitsidzo asi Mwari ndichengetedzei munyasha dzenyu. Vachitumbura fish iya vakaona, Ah zvainenge Ring yavo, Ah, ko zvayakanyorwa zita ravo. Vakapfugama vakanamata vachitenda Mwari uyu anorwira zvakadai. Murume akabva auya nezi Lorry akawana Ring iri muzvigunwe, akabva areurura akatendeuka, akati ndomudawo Mwari uyu, akasiya zvechipfambi nezimweya raivenga mukadzi wake rikabva raenda. Mazviona ka kuti hakusi kukura kwedambudziko kunoita kuti ukundikane asi the right attitude in face of it. Usabve pana Mwari nekuti unofunga kuti ndiwe wakakanganisa, nekuti vanovimba na Jehovha vakafanana negomo re Zion, harizununguswi. Mwari havairegi Marriage yako ichiparara iyo, Mwari havaregi Mari yako ne pfuma yako zvichiparara izvo. Mwari havaregi twunhu twako chero twakanyudzwa mugungwa na satani Our God has a way of bringing them on surface and back to you. Mwari vakaita kuti Hove imedze Ring yamai vedu, vakaita kuti ibatwe ne chiredzo, vakaita kuti mutengesi apfuure achitengesera muridzi we Ring iri muhove. Mwari ngaakuitirewo izvozvo pane zvako zvakabiwa na satani. Amen!!!!
Posted on: Tue, 23 Jul 2013 17:40:12 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015