Mumwe musikana aive nemukomana wake uye aimudisisa kwazvo..zvino - TopicsExpress



          

Mumwe musikana aive nemukomana wake uye aimudisisa kwazvo..zvino rakasvika zuva rebirthday remusikana uye zvekare ainge atodaidza hama dzake dzose kubudikidza nemukomana wake uye waaidisisa izvo zvakaita kuti aite mukomana wake guest of honour.. .zvino hama dzose dzakasvika kusara kwemukomana uye izvo zvakaita kuti amirirwe kusvika asvika then mafaro ozotanga,,, sezvineiwo mukomana akabva asvika akabata paper bag raive nebirthday present yemusikana wake. ..sezvo mukomana ainge akavimbisa musikana wake a surprise present. ..mukomana akabva asimuka pamberi pevanhu vose akabata paper bag riya.. .akabva apinza ruoko mupaper bag riya ndokubva abudisa loaf rechingwa ndokubva atambidza musikana uye.. . Pakarepo musikana akabva avira nehasha ndokutora loaf riya achirikandira kure... Pakarepo mukomana akabva amhanya ndokunonga loaf riya ndokubva adzoka naro pamberi pemusikana wake ndokubva arigura nepakati pakarepo pakabva pabuda makey emotokari pamwe chete newedding ring muloaf riya .. .musikana akabva aona izvi kwave kutanga kukumbira ruregerero kumukomana wake asi it was too late... Nyaya yangu iri pakuti Mwari baba vangakupa zvaungafungidzi ra kuti zvidoko asi ivo vatokupa hupenyu husingaperi saka ndinoti kwauri mwana wamai, usamhanyire kusvora uye nekuzvidza makomborero aunenge wapiwa naMwari angava madiki sei nokuti hauzivi zviri mukati mawo...fara, gamuchira, nekupembera uye nekugutsikana nezvauinazvo
Posted on: Wed, 30 Jul 2014 19:54:37 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015