Murume anochiva mai vemukadzi wake, Kune mamwe maKava eVanhu - TopicsExpress



          

Murume anochiva mai vemukadzi wake, Kune mamwe maKava eVanhu anongoda kudya chero Nyama! Kana ukaziva kuti murume wako kana weshamwari yako, kana kuti shamwarirume yako inochiva mai vemukadzi wake, inyaya yokuti unofanira kukasira kuzama kuigadzirisa. Chikuru zvinoda kuti ivo mai vacho vazive kuti mukuwasha wavo munhu ane dzisina kukwana kuti vagare kure naye. Mukadzi wake anofanirawo kunzwisisa kuti murume wake haana kukwana muPfungwa. Munhu wekuti kana mai vake anokwanisa kubata chibharo. Zvadai inyaya inofanira kubudiswa pachena muinzwisise kuti yakatanga sei. Zvinowanzoitika kana mwana akura asina munhu waanoti ava ndivo mai vake, zvokuti ahanzwisisi kuti mai munhu anoonekwa sei. Anongoona sokuti mai munhu achembera kumupfuura asi asina chiremera. Kana ukanzwisisa kuti murume wako ndiwo mafungire ake watova padambudziko guru nokuti uchawana umwe musi abata imwe chembere chibharo. Inyaya inoti kana uchida kugara naye inofanira kugadziriswa mese muzive kuti yagadziriswa. IMWEZVE NYAYA INOITIKA MuZIMBABWE BABA VANO CHIWA MUKADZI weMWANA VAVO MUROORA Kune marudzi evanhu anobvumidza kuti kana mwana asipo baba vake vapinde mumba make vavate nomukadzi wemwana. Kwedu kuChiKaranga hazvibvumigwi zvachose. Kana ukaziva kuti pana baba kana muroora ari kuzviita unofanira kukasira kuudza vakuru vemhuri nyaya igadzigwe. Kana iwe uri muroora wacho ukanzwisisa kuti baba vemurume wako vari kukuchiva, tora twako utevere murume wako. Kana zvanetsa kuti unozvitaura sei. Tora foni yako uREKODHE vachitaura zvavo zvisingaiti izvozvo ugochengeta kuti pavanozama kukupa mhoswa ugoti vanhu vaterere. Asi nyaya ichazoitika ndeyokuti iwe nababa vemurume wako hamuchina ukama hwakaJEKA. Unokwanisazve kudzingwa pamusha apa nenyaya iyi saka tanga wanzwisisa kuti vauchaudza vachati kudii uye kuti unovaudza sei. Varume verudzi rwedu vakangoona paita nyaya vanokasira kuti uri hure kuti nyaya isagarirwe dare. Sakai we wana umwe mukana wekuti unogara nomurume wako kwaari ikoko kwete kugara navabereki vake. ~~~Sekuru Simba~~~
Posted on: Fri, 29 Nov 2013 23:25:07 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015