Mwari makanaka mangwanani ano nekuti kubata kwenyu kunoshamisa. - TopicsExpress



          

Mwari makanaka mangwanani ano nekuti kubata kwenyu kunoshamisa. Ndimi Mwari wenyasha zhinji munotigonera mukati meupenyu hwatinorarama nhasi uno ndinoti kudzwai zvenyu mutsvene wangu. Tichengetei vana venyu pototanga zuva resvondo kudai mutitungamire pose patichabuda nekupinda ishe. Tiitei kuti tigone kunokunamaita nevamwe semapoka amakatigovera. Ndinokumbira kuti zita renyu ngarikudzwe misi yose baba. Vanorwara vose ngavaporeswe nezita renyu pamuchinjikwa tenzi. Ndinonamatirawo vose baba vanoshanda vari kunze kwenyika yedu yeZimbabwe kuti ivaiwo navo muvachengete misi yose pamwe nemhuri dzavo. Tinokurumbidzai Mwari nekuti makakodzera kupiwa rumbidzo. Mazvita henyu baba nekutipazve uyu mukana wekuti tinge tirivapenyu nekuti kutaura kudai kunevamwe vatisiya vatorwa nenguva. Nekudaro isu tinoda kurumbidza zita renyu kusvika riini nariini Amen.
Posted on: Sun, 14 Sep 2014 00:52:50 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015