NDISAHWIRA WAKO HERE? Isaya 38vs 1-5 &39vs1-6 Ndinoda - TopicsExpress



          

NDISAHWIRA WAKO HERE? Isaya 38vs 1-5 &39vs1-6 Ndinoda kumbotendawo Mathias Mhere nekambo kake kaya kaita mukurumbira, NDISAHWIRA WAKO HERE?. Regai nhasi tipajekese apa, zvimwe varipo vari busy kunakidzwa nemagitare nyaya yacho vasirikuibata. Mambo Hezekia akarwara akasvika pakunzi chigova twako nguva yakwana,,,,,achinzwa izvozvo ndokutendeukira kumadziro ndokunamata. GOD had to sent back prophet Isaya kuti Hezekia wawedzerwa mamwe makore. Now Hezekia aitirwa zvose izvozvo, Bharadhani mambo weBhabhironi anotuma Merodaki mwanakomana wake netsamba uye nechipo chake nekuti wakanga wanzwa zvekurwara kwake nekuporazve. Mambo weBhabhironi ava kuchiuya nezvipo coz Hezekia apora manje. Mazuva okurwara haana kumboonekwa zvake. Iro guta reBhabhironi raiva nerudzi rwaipandukira MWARI waIsraeri, JEHOVHA mupenyu. Hezekia achiona tsamba nezvipo ndokubva atanga kuratidza machinda aya zvose zvake. Hey! But now haana paanovaudzawo nezvaMWARI akamumutsa panhovo, zvaavaratidza ndezvaakapiwa naMWARI wacho. But muporofita ndipo paanozotumwa kuti, ko vapinda mumusha ava vabvepi? Zvose zvataridzwa zvichaenda kuBhabhironi. Nzwisisa hama yangu, iye JEHOVHA anosimudza marombe kubva muguruva, do you know kuti tine vazhinji vasineyi newe usati wasimuka,,,,but wasimuka dzava shamwari dzako. Iye zvekunamata MWARI waunonamata iyeye haadi, chaafarira maresults ezvawawana kuna MWARI. Mubvunzo woti, NDISAHWIRA WAKO HERE?. Ramba kuti shahwira asinganamati abate zvawapiwa nashe wako. Iwe ndati ukaona shamwari inokuda zverimwe divi rako,,,,,asi zvimwe asinei nazvo uuuuuuuuum. Pakurwara ndeyangu ndoga, pakufara tava tose. Mweya waMWARI woti, NDISAHWIRA WAKO HERE?. Rega ndikuyeudzira nyaya yaSamso naDelila,,,,,(J udges/Vatongi 16) Samson achiti ndawana mudzimai, Delila ane hiden mission. Nhai iwe Samson, ko Delila, NDISAHWIRA WAKO HERE?. Jerobhoami akanga angouya kuzoona zvinhu zvaHezekia for the purpose of planning to destroy.
Posted on: Sat, 08 Nov 2014 03:00:01 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015