Ndaperekedza Sahwira wangu kuchipata kwaanga achinoona mukadzi abatsirwa. Tisati tasvika kuward Martenity Department tapfuura nemumaward mune vamwe varwere. Hama zvinosiririsa pachokwadi, pamwe mumwe anga achibatirwana kuti amwe mushonga, ukuwo mumwe achiita chikafu chekugombedzerwa kudya achitodyiswa iye akangozvambarara, zvimwe zvikukutu kurondedzera. Hama kana uchiri mutano rega kuita hurwere hwekutsvaga, Zvako zvekubheja hee handirari ndisina kunyengwa, vamwe ndivo vanoti hee ndashaya hope, vamwe kudada kuchipfambi waamai usati waita zvauri kunzwa kuda kuita izvozvo chimbosvika kuchipatara umbonona vari panhovo vakarara vachirwadziwa. Iwe mudikani tenda Mwari wako nechipo chehupenyu uye kuti uchiri kugona kudya wega chikafu mumwe achibatirirwana kuti amwe rusvusvu awane kurarama, mumwoyo mako ita kamunamato uti Mwari ndichangetei nekurangarirawo vari muzvipatara pano wotype Amen. Ini ndatotanga Amen.
Posted on: Wed, 23 Jul 2014 13:36:22 +0000