Ndikango poster pano ndichiti kandai number dzengu ndikupei video - TopicsExpress



          

Ndikango poster pano ndichiti kandai number dzengu ndikupei video yanhingi achidai, haaa macomments anosvika mahundred angadai azara. Kune vano swera vachikanda number dzavo everywhere vachida kujoiniswa magroup ewhatsupp akasiyana siyana. Vamwe mamember emagroup ese anowanikwa pafacebook. Muswere wese munhu achiverenga mastatus nemacomments evamwe pafacebook. Vamwe kumuka vanenge vamuroad up and down vachida kunzwa latest yezviri kuitika muneighbourhood. Vamwe pamadurawall nepafence havabve vachitaura nevavakidzani. Vamwe pazvigara marovha havabve vachiperekedza vanhu nemota up and down nemaziso. Vamwe kumabasa havatombogare mumaoffice mavo vanenge vari mumaoffice evamwe nguva zhinji vachingoda kutaura nyaya. Zvino pakadai wati pane chiri productivity chinobuda ipapa. Chinzwa zvinotaurwa Paul Make it your ambition to lead a quiet life, to mind your own business and to work with your own hands, just as we told you, so that your daily life may win the respect of outsiders and so that you will not be dependent on anybody(1 Thessalonians 4vs11-12). Hama yangu siyana nekahupenyu kandataura kudenga ako zvinokushaisha hunhu izvo, imborarama life iri quiet uchitsvaga your purpose on earth iri maringe nekuda kwaMwari. Ivawo nequite time everyday apo unonamata, uchiverenga bible, kunyorawo manotes nekuimba machorus nehymn ekurumbidza Mwari. Vamwe vakuto zozeziwa nenyaya idzi, vamwe vakuzivikanwa nenyaya dzekukumbira mari because hapana chine musoro chiri kuitwa. Dzimba dzimwe dzaparara nenyaya idzi. Vamwe mabasa akapera nazvo izvi. Dai Mwari abetsera kugadzirisa hunhu hwakadai, tirarame hupenyu hunopa mbiri nerumbidzo kuna Mwari kubudikidza nekupa 10% of our time per week kubasa raMwari. Uku ndokumwe kudyara kwakakosha kuna Mwari.
Posted on: Sat, 25 Oct 2014 05:05:28 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015