Ndirikuda kutaura neumwe munhu arikusituation yekuti ryt now - TopicsExpress



          

Ndirikuda kutaura neumwe munhu arikusituation yekuti ryt now angomirira kuti hameno Mwari, u feel like giving up... Your life seem to be revolving around one place, une zvikwereti zviri kukuchemedza, mufaro wako unouya kana uine vamwe but wava wega mumba unova nestress yakawanda nekuti ramangwana rako hauzive kuti richavei... Misodzi wachema wachemazve but hapana chiri kuchinja.. Kumachechi ane vashumiri vane mbiri wakatomboenda but zvako wega ndozvinoita sezvirikuramba chete... You are on this way yekuti Mwari vangashandurewo hupenyu hwako because wapererwa. Dzimwe nguva you also have a feeling yekuti huh ndezvepafaceboo k hazvishande..!b ut dzimwe nguva u feel encouraged paunoona post and moyo wako unobvongodzwa wonzwa shungu dzechema pamberi paMwari kuti varangarire life yako. You are so desparate for Gods hand ryt now, unonamata unotsanya unopa but it seems like you are not receiving anything from God.. Kana satani achigona kushandisa facebook kuita basa rake rega ndikuudze even isu vatendi we can use facebook kushumira kugona kwaMwari... Pano handisi kutsvaga mbiri nekuti handina anondibhadhara but ndine shungu nekuonawo life yako ichifamba mhani... Ndine shungu nekuti wanzwa iwe nekudadirwa nevasinganamate ... Ndodawo kuti Mwari azviratidze muhupenyu hwako.. Asimudzewo marombe ... Mamariages evasinganamate anoritapira iwe wakachatwo zvakanaka but your partner haakupe zororo iwe urimunamati chaiye . Why?? Ndine shungu pamoyo.. Ngaichiperawo nguva yekuchema , Mwari ngavashandurewo life yako nyika igotenda kuti kuna Mwari anogona.. As I write this update misodzi yangu irikubuda why? Because hazvifadze kuona vana vaMwari vachitambura zvakadaro.. Pane vamwe varipano vakutofunga kuita chipfambi nekuti pfambi dzakurarama hupenyu huri nani kupfuura ivo.. Vamwe vakuda kuita humbavha nehutsotsi because zvarema zvehupenyu.... Shamwari as u read this update chimbozvibvunza kuti why Mwari vaita kuto usangane nemashoko aya, zvibvunze kuti why vakupa 2 minutes idzodzo dzekunzwa mashoko aya.. Toda kukanda mambure kwakadzika , toda kumukumbira zvekare Mwari kuti asangane nesu ... This season ndinotenda kuti Mwari unokuitira.. Ungadai uri kuverenga mamwemasasi ezvinyadzibut Jehova vane hanya newe saka uripano nhasi.. ndingadai ndakadeleter profile yangu kare but ndotenda kuti Mwari ane zvaarikuda kuita muhupenyu hwako ndosaka arikuramba achipa iwe neni simba .. Mangwanani ano tenderana neni, toda kungoti Mwari nyasha dzenyu , nyasha dzenyu Jehova, mumariage yangu nyasha dzenyu, kubasa kwangu, mubizness rangu, vanondivenga varipo, vanoti handibudirire varipo, situation neenvironment zvisingatenderi asi Mwari nyasha dzenyu... Mwari vanokunzwa. Zuva ranhasi ngatinamate tese , ndirikuona uchibuda mwedzi uno une testimony.. Only believe kuti even thru facebook Mwari vanotaura. NEZITA RAJESU ZVAKO ZVINOITA....
Posted on: Mon, 02 Jun 2014 04:38:52 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015