Nguva yareba ndakateerera zvamunotaura zvakangosiyana pano pa - TopicsExpress



          

Nguva yareba ndakateerera zvamunotaura zvakangosiyana pano pa group!!! Nhasi ndambotiwo ndionesane nemi mese. Akomana chinonzi music chakafanana nechekudya. Chikafu chimwe ne chimwr chine manakiro acho. Sugar vamwe vanoti inonaka asi ini ndinoti inotapira. Munyu vamwe vanoti unovava asi ini ndinoti unonakisa usavi. Mhiripiri vamwe vanoti inovava asi inizve ndinoti inonakisa zvakare usavi. Vamwe kwaunoti kunaka vamwe vanoti kuvava. Doro mumwe anoti rinonaka asi mumwe anoti rinovava. Haunga enzanisi Macheso na Winky D. Vese vanogona asi misambo yavo ndoyakasiyana. Saka ndikabvunza ndiyani angandipindura ndikamuti agona? Ndiyani muimbi anogona Jah Praizah na Blessing Shumba zvamunoti munoziva? Ndiyani anogona Macheso na Shingisai Suluma zvamunoti munoziva? Mhiripiri inemunakiro wayo. Kuvava kuvava zvayo mhiripiri asi ndomanakire ayo. Good yako haisi good yangu. Mumwe anoti ma teki ndojeno asi uyowo anoti suit ne point shoe ndokumberi. Ngatiregei kugumburana ne ushasha hwevakapiwa zvipo zvisinei nesu. yours #Dzomumvura@fishmasaisai
Posted on: Thu, 27 Nov 2014 10:57:56 +0000

Trending Topics



iv>

Recently Viewed Topics




© 2015