Nyika hainonoke kuranga nekushora munhu anoita zvakaipa. Mbavha - TopicsExpress



          

Nyika hainonoke kuranga nekushora munhu anoita zvakaipa. Mbavha yainge yatotongerwa rufu via kurovererwa paCross. Hanzi mbavha ngaife, yajaira kuti bira maDVD, maPlasma, mota, hembe nemari dzedu. So better tiite wakuisa pamuchinjikwa. but ipo paCross ipapo, mbavha isati yafa, yakawana mukana wekutaura naJesu, ichiti Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu. Jesu akati don’t worry urikuenda kuParadise (Luke 23:42-43). Iyo ndiyo inonzi highest level of grace, inyasha dzinoshamisa dzinobva kuna Mwari. Kuti a convict, mbavha yapedza property dzevanhu mudzimba umo, ndiyo inonzi urikuenda kuParadise, but iyo nyika pachezvayo yaona zvakakodzera kuti ufe. ahhh Jesu ane nyasha. Ungave uri munhu akavengwa neNyika nekuda kwemabasa ako akaipa awaisibata, nyika ingakuzvidze, but I have come to tell you kuti kuna Jesu anokuda. Mwari anoda kuti utendeuke, zvisinei nekuti nyika inokushora. Uya kuna Jesu, siya zvakaipa uwane hupenyu husina magumo
Posted on: Wed, 11 Sep 2013 04:24:47 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015