PARADZA ZVOSE 1 Samuel 15 Simple instruction yakasvika kune - TopicsExpress



          

PARADZA ZVOSE 1 Samuel 15 Simple instruction yakasvika kune muchinda anonzi Sauro riri shoko raJEHOVHA richiuya nemuporofita wavo Samuel. Zvinonzi enda kuhondo undokunda naVaAmareki uparadze zvose. That was so simple, already Sauro anga apiwa simba rokundokunda. Nesuwo takapiwa simba rokukurira satan uye kurega zvivi. Sauro aenda kuhondo akandoparadza chose, akauraya vanhu vakawanda chose BUT on verse 9 tinoona Sauro nearmy yake, vanorega kuparadza Agagi namakwai akanaka, nedzimwe mombe nezvimwe zvakakora namakwai nezvose zvakanga zvakanaka. Wapaona here mudikanwi, Sauro atumwa kundoparadza guta rose nezvirimo but iye ndokubva asarudza kusiya zvakamunakira zvose ndokutora kuita zvake. Unomboziva here kuti, bhaibheri rinosema chose chakaipa BUT tine shasha zhinji dzinosarudza zvivi zvakavanakira vozvichenesa. Umwe anoona kunyepa chisiri chivi coz chakamunakira. Umwewo unoona kupomba chisiri chivi chihombe coz ndodepartment rake. Sauro akanzi enda undoparadza zvose. Unoona nhasi munhu anonyatsoziva kuti song inopesana nezvido zvaMWARI but anoti guitar racho ndiro randinofarira manzwi handineyi zvangu nawo. Paradzai zvose zvakaipa.
Posted on: Sat, 13 Sep 2014 05:11:33 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015