Peji Rekutanga Search Mauya! Titambire! Musha ino ndeyedu - TopicsExpress



          

Peji Rekutanga Search Mauya! Titambire! Musha ino ndeyedu vatauri veChivanhu, mutauro we ChiShona, muno muZimbabwe. Chinyorwa chemudandira chinounganidzwa ungwaru, ruzivo nohunyanzvi hwezvikamu zvese zveraramo remarudzi osezvawo erino pasi. Zvakanaka zvakadzama kwazvo kuti gapu rese iri reungwaru, ruzivo nohunyanzvi rive rinonyorwa mururimi rwaamai. Basa iri ngatiritange nhasi tigorisiirawo vana vedu navana vawoo, zvichingoenda nokuenda. Mutauro wedu isu vanhu hauna kugara uchinzi ChiShona kwete. Muchena akanga achinzi @Clement Doke ndiye akatanga kushandisa izwi rekuti ChiShona mugore ra1931. Mutauro wedu unonzi ChiVanhu. Parizvino, mune zvinyorwa zvinoita 1,452 zvakataurwa mururimi rweChiShona. Munokokwa mese, ani naani zvake, kuti muwedzere zvinyorwa izvi. Vanyori, vadzidzisi nevadzidzi veChiShona muzvikoro zvikuru zvedzidzo munokokwa kuti mutitungamirire pabasa iri. Tinodaidza kunyanya zvikuru sei avo vadzidzi nevadzidzisi vari muboka rezvidzidzo zveChiShona paYunivhesiti yeZimbabwe uyewo avo vese vakapedza zvidzidzo zveChiShona pachikoro chikuru ichi. Kana muchida kuziva zvakawanda nezvehumwe yeChishona endai panzvimbo yemudandira iyi wikipedia.org Tsvakai muwedzere ruzivo rwenyu nezve Kuisa zvinyorwa zvemumwe mutauro wehumwe.
Posted on: Sat, 29 Jun 2013 12:55:43 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015