Pliz hide id. Ndirimukomana anemakore 23 chimoko 19. Takatanga - TopicsExpress



          

Pliz hide id. Ndirimukomana anemakore 23 chimoko 19. Takatanga kudanana mugore ra2009 babie riri grade 7 ini ndiri form 4. Chimoko changu chakakura chichichengetwa natete vacho. Akazvarwa ari munhu aingorwara rwara saka baba vake vanga vasingamubatikiri kusvika murume watete acho ati ngandimbogara naye. Zvinonzi baba vacho vakati tora ugare naye kana akararama utore ave mukadzi wako. Saka kubvira patakatanga kudanana nechimoko babamukuru vacho vakazvinzwa kuti ndozviripo vakatombondivhunza ndikazviramba. Vakaramba vachinetsa pamba pedu kusvikira blaz vangu vanditi ndiuye kujoni bcoz nyaya iyi yanga yakonzeresa mitauro pamba pedu. Nechimoko taitaura pafoni. Pandakaenda kumba muna2011 mdhara akatouyazve pamba pedu achipopota kuti ndisiyane nemuramu wake asi kwaiva kutamba nenguva nekuti isu taitova zvedu murudo. Paanga avaform three mdhara uyu akapotsa atomboda kurepa babe akazosvikirwa natete. Manje muna2013 babe paakapedza form 4 akabva atiza paden apa ndobva aenda kundoshanda kuharare. Kubva paakaenda kuharare ndakatomboendako kusvika tatovimbisana nebabie kuti titorane muna2015 umu. Manje nyaya yava kunetsa ndeyekuti ko ndikatora chimoko baba mukuru ava avazonetsi futi ere sezvo tichigara munharaunda imwe chete kumusha. Uye baba vechimoko vakatonzwa nezvangu and havadiwo kuti tiroorane nekuti tinoera mutupo umwe chete. Ko ndikatora chimoko kuchiunza kuno kuzogara nacho mdhara vacho vasikadi mari yangu yeroora tinozogarisana sei. Pliz musanditukawo ndodawo rubatsiro andizivi kuti ndodii bcoz babe wangu ndomuda naiye anondidawo.
Posted on: Wed, 31 Dec 2014 04:10:04 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015