Presenter: Makadii vaMapfumo?? TM : Hapana zvatakaita - TopicsExpress



          

Presenter: Makadii vaMapfumo?? TM : Hapana zvatakaita isu, kungouyawo kuno kuzotsvaga mari vanhu vanonyepa Presenter : ?????, ok, ko Nhai Mukanya ndimi munoti Zimbabwe yave mamvemve titaurireika TM : Ini ndakadaro riini ?? Presenter : Hamuna here kambo kanonzi mamvemve TM : Ndinako but …. Presenter : Maiti kudii TM : Ndaingoti “nyika yenyu yamaichemera”, tusikana twoti “hona yaita mamvemve” saka m ungatobvunza ivo Presenter: Vanonzi ananiko vasikana ava TM : Hameno tunzenza utwu twunongo pesuka pesuka ndichiimba zvangu, kamwe karikuchaya mapoto kuGermany uku Presenter : Horaiti ko corruption iri sei kuZimbabwe ndimi makaimba nezvecorruption TM : Aaa Iwe zvako iwe, ndaive ndakagara zvangu kumba munoziva isu hatina kudzidza kaisu, ndichitoverenga Herald ndokuona messenger achisvika zvikanzi vamapfumo, ndatumwa ndabva kuUZ hanzi huyai mutore degree, endeiko wanikwe iMasters chairo, iwe tine vanhu vakawanda varikushaya nzvimbo kumaUniversity uko, ini ndongosvika nekupiwa unoti handicorruption iyoyo. Presenter : Kikikiki, ko mune tarisiro yekuimbawo here gospel someday TM : Ndaida asi Charamba naManyeruke vakaimba bible rese zvekutoti Charamba avekutoimba zvisimo zvaanofungidzira kuti pamwe, hanzi Simon Peter akazodiiko hameno Presenter : Kiiki zvakaoma ko munoona sei vaimbi vemuZimbabwe, mungangondiudzawo here top 10 TM : Obvious number 1 ndini, 2 hapana 3 hapana totozona number 7 paimbova naMarshal chizukuru change ichi saka hapana izvozvi aripo, number 8 anonzaniko uyu chibudura hanzi aniko hameno, ko zouyawo avo vanopfeka zvinopenya penya avoo Presenter : Ko Leornard Zhakata wekuimba Mugove TM : Aiwa yehupfu haazoshayazvake Presenter : Ko Hamuna kutaurawo nezvaTuku patop ten apo TM : Haa mh@t* iyo Presenter : Ah vaMapfumo tiri pamhepo TM : Iwe iwe mh@t* I mh@t* chete pamhepo mumvura kana pai Presenter : Vanhu varikuti vaMapfumo vapererwa kuimba Shiri yakanaka TM : Iwe kambo kaye ndakaimbira vana ndakatozoshamisika unzwa nevanhu vakuru vakutoimbawo, nekutamba aaah vamwe havakure shuwa, asi kana ndikapererwa hangu handizoimba Chirimupoto Presenter : Sei Musingatambe muchiimba TM : Handitambe pabasa, hauone kuti ndizvo zvakabhurokesa pengaudzoke
Posted on: Mon, 26 Aug 2013 10:24:45 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015