Shoko ranhasi. Dingindira-theme GARA MU PRESENCE YAMWARI - TopicsExpress



          

Shoko ranhasi. Dingindira-theme GARA MU PRESENCE YAMWARI NJODZI IRI PEDYO John 11vs 21 unonzwa Martha achiti kunaJesu dai manga muri pano Razaro asina kufa zvoreva kuti chakauraya Lazarus hakusi kurwara but it was the absence of Jesus panzvimbo. Kushaikwa kwaJesu kunokonzera kufa kwezvinhu muhupenyu, marriage ikashaya Mwari inofa, munhu akashaya Mwari anoita benzi.. The absence of Jesus causes death and havoc but Jesu paanosvika anoti bvisa dombo ndopaunoona Razaro anga ane 4 days akunhuwa anobva amuka.. Zvoreva kuti hazvina basa kuti hupenyu hwako hwanga hwava mamvemve sei , business rako ranga rafa sei but panguva yaunongodaidza Jesu chete panoita resurrection of the dead... Kana Jesu vasvika mumba menyu munotanga kunakidza, mabasa anotanga kuwanikwa... Ukaverenga nyaya yemwana muparadzi Luke 15 vs 11 to 32.. Ukaverenga zvakanaka unoona kuti mwana paaiswedera kure nababa vake pfuma ndopayaipera.. Kubva kwaakaita kwakakonzera kurasikirwa kwake nezvakawanda. Mari yakapera, shamwari chaidzo dzakapera akasvika palevel yekuti zvese zvaaiva nazvo zvakafa but chinondifadza paverse 17 bhaibheri rinoti when he came back to his senses akati regai ndidzokere kuna baba.. Paakarangarira kuti kushaya kwangu , kutambura kwangu inyaya yekuti ndirikurarama hupenyu hwangu ndiri kure nababa , ndirikurarama hwangu asi baba havapo.. Kutambura kwangu its because I am not connected to the father who is the source of wealth... Mwana muparadzi akatora nhanho kudzokera kunaBaba baba vakamumhanyira vakamupfekedza vakamupa zvekudya.. Ukapa hupenyu hwako kuna Mwari, ukanzwisisa kuti kurarama uri kure naMwari kunokonzera kufa kwehupenyu hwako tora nhanho udzokere kunababa.. Provision and protection yaMwari inowanikwa chete nevanofamba in the presence of God.. Ukagara kure naMwari zvako hapana chinofamba.. wana nguva yekungonamata uchiti Mwari ndigonesei ndifambe nemi, pamunokomborera vamwe neniwo ndisapfuurwe nemakomborero. BLESSED IS THE ONE WHO HEARS THE WORD AND KEEP IT FOR THERE IS A REWARD IN KEEPING IT.
Posted on: Thu, 15 Jan 2015 18:32:00 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015