THE BRAZEN SERPENT (NYOKA YENDARIRA). Numbers 21:4-9 (Part 2 of - TopicsExpress



          

THE BRAZEN SERPENT (NYOKA YENDARIRA). Numbers 21:4-9 (Part 2 of 2) Vanhu varikurumwa neNyoka, but answer Mwari varikuti Moses gadzira nyoka yeBronze, chanetsa vanhu inyoka, but Mwari arikuti gadzira imwe nyoka Moses. Ndipo pane nyaya manje apa, pekuti solution yaMwari inoita kunge iProblem pamusoro peProblem but iyo itori mhinduro, maAnswers aMwari, anogona kuita kunge arikuwedzera problem but iyo iri answer. Muyenzaniso kana munhu akabayiwa newaya ine ngura akaenda kuClinic vanomubaya jekiseni reTetanus,,,,iwe wabayiwa newaya uri kurwadziwa, nurse oti rega tikubaye futi jekiseni kuti upore,,ahh kana usingazive unogona kufamba uchiti ana nurse havana tsitsi, iwe wagara urikurwadziwa but wavakuwedzerwa marwadzo nejekeseni, but chandinoziva ndechekuti jekeseni iroro rinokuporesa. pane pamwe panoita kunge uri kupihwa problem pamusoro peProblem but iyo iri solution. yandifungisa chirikadzi yakaenda kuna Elisha ikati help me murume wangu akafa but akasiya chikwereti, Elisha akati kumba kwenyu munei amai, zvikanzi mafuta, zvikanzi o.k. endai munokwereta zvigubhu zvekuisira mafuta,,,,ahhhh, iye mukadzi ari kuchema nyaya yechikwereti but Elisha arikumutuma kuti enda unokwereta zvigubhu,,,,,chikwereti pamusoro pechikwereti (2 Kings 4:3). Hakuzi kupihwa problem pamusoro peimwe problem here? Kwete, its actually a solution. pane pamwe pekuti Mwari vanoita kunge varikukupa problem pamusoro peProblem but iyo iri solution.iwe wagara life haizi kufamba, wonzwa Pastor vachiti tsanya unamate, aahhh inoita kunge problem, because kutsanya inzara isinganakidze but iyo iri solution yako. Wagara salary haizi kuBalancer, wonzwa Malachi 3 achiti hunzai chegumi,,ah zvinoita kunge iProblem pamusoro peProblem but iyo itori solution yekubviswa kwehudyi.kubasa unoshanda nevanhu vari rough, wonzwa Bible richiti mhinduro nyoro inodzora kutsamwa,,,,ahhh inoita kunge problem pamusoro peProblem because kuti upindure vanhu zvakanaka ivo vachikutuka zvinonetsa,,,but what I know is that Bible haripo pakupa vanhu maProblems but maSolutions… so zvataura Shoko raMwari ziva kuti its for your benefit, Mwari havawedzere problem but vanotopa solution. Mukaona Moses achigadzira nyoka musafung kuti ndeimwe problem but zivai kuti it’s a solution. Vana veIsrael request yavo vakati Moses udza Mwari vabvise nyoka pakati pedu, but ivo Mwari solution yavo yainge isiri yekubvisa nyoka but kugadzira imwe nyoka inoponesa vanhu. Kazhinji solution yedu sevanhu inogona kusiyana neSolution yaMwari, iwe uchiti Mwari bvisai nyoka tipone, but ivo vachiti Moses gadzira imwe nyoka vanhu vapone, iwe uchiti GOD I want this, but ivo Mwari vachiti, No, I want to give you something else, that’s why tiine pressure mukati mekurarama, nekuti tinoda kupa Mwari nzira yekuti vatibatsire nayo, but ivo Mwari vaine imwe nzira iri nani, than yatinofunga, that’s why kuna Isaiah 55:8 Mwari vachiti For my thoughts are not your thoughts, neither are your ways my ways. nekudaro rega kugumira pamufungiro ako, but be guided neshoko raMwari unzwe kuti varikuti kudii. Read the Bible kuti uzive pfungwa yaMwari maringe nekuponesa vanhu vake. Moses akanzi gadzira nyoka yeBronze, Jehovah vaigona kuti gadzira nyoka yeGold, or yeSilver, maMetals anodhura more than bronze, but vakati gadzira yeBronze. Ndizvo zvinoita Mwari, vanogona kushandisa zvinhu zvakazvidzika zvausingatende mazviri kuti zvikuporese, zvinhu zvakashoreka ndizvo zvinowanzo sarudzwa naMwari. Ndiyo yakaitwa Namaan mambo weSyria naElisha, murume uyu aida kuporeswa mapere mbudzi & he was told kuti enda unogeza muRiver Jordan, 7 times and unopora. Namaan haana kufara , he complained akati ko inga wani kwedu kuSyria kune nzizi dziri nani than zvenyu zvana Jordan. (2 Kings 5:12) But akazoenda kunogeza akapora, ndiko kuita kwaMwari, anogona kukubatsira nenzira yaunofunga kuti iyi haina basa. Pachishona vobva vati rega kushora sadza mbodza nerino zvimbira. Moses akaita nyoka yendarira, akaiturika padanda, zvino mumwe nomumwe akati kana arumwa, akatarira nyoka iyo yendarira, akararama. just imagine kana munhu achinge arumwa neNyoka tinomhanya mhanya kuti kutsvaga mishonga, but in this case Mwari vakangoti ukangotarisa nyoka yeNdarira yagadzirwa naMoses unorarama. Pafunge, hazvina mhosva kuti poison yanga yava mumuviri, but once watarisa nyoka yeBronze, waipora. Even science can not explain this, rega ndikudze chinhu ichi, pane zvimwe zvinhu zvaMwari zvekuti haukwanise kuzvitsanungudza kubudikidza nekuchenjera kwevanhu. Funga paye Moses paakarova dombo netsvimbo, we expect kuti tsvimbo itsemuke, but dombo ndiro rakatsemuka. Zvinhu zvaMwari doesn’t make sense but it makes faith. please vana veIsrael, kana muchinge maona nyoka dzanetsa, regai henyu kutsvaga matombo ekuti mudzitemhe, nekuti paunenge uchitemha 1 nyoka, imwe inouya nekamashure ikakaruma, kana nyoka dzanetsa, please tererai zvataura Mwari, tarisa pane nyoka yagadzirwa naMoses kuti upone. Kiya kiya haishande. Rega hako kuda kumirira mira uchifunga kuti ungadzire nzira dzako dzekufadza Mwari but just follow what GOD said. and kana zvichinge zvanzi gadzirai nyoka yeBronze, make sure kuti iBronze, musaronge kugadzira yenyu yeGold. Hazvishande. Kana Mwari vachiti ndinoda mvura, Give him water, rega kutenga coke, ipo pachidiwa mvura. Proverbs 3:5 yobva yati Trust in the LORD with all your heart; and lean not unto your own understanding huchenjeri hwako hunogona kukuudzai kuti gadzirai nyoka yeGold, ndiyo inoita, but ivo Mwari vachiti bronze, manje haupone pakadaro. apa hapadi maConsultations apa, but panoda kuterera Mwari, funga kuti dai vana veIsreal vachibuda Egypt dai vakada kuConsulter vanhu kuti tinofamba sei kuti tiende Canaan, vaigona kuudzwa kuti kwamuri kuenda nako hakuna nzira, kune red sea, tsvagai imwe nzira, but ivo Mwari vachiti handei nepa Red sea. So izvi hazvidi consultation but zvinoda kuterera Mwari. the biggest lesson iripo paNyaya iyi is faith (Kutenda munaMwari), and kutenda kwacho kwaingoda kuti munhu atarise nyoka yeBronze and orarama. Nyoka yeBronze haizi riyo irikuponesa vanhu but simba raMwari ndiro raponesa vanhu, that’s why uchiona kuti munhu anogona kurumwa nenyoka nhasi but even if tikagadzira nyoka yedu yeBronze, haapore, nekuti hazvina Mwari ataura. But ziva chinhu ichi, unogona kuvenga nyoka yagadzirwa but iwe uchida Mwari, unofa zvakadaro, nekuti kuda kwako Mwari ndekwe fake nekuti urikuramba nzira dzavo. Even if ukada Mwari stereki but as long usingade kupinda muAreka, unofa zvakadaro kana mvura yatanga kunaya, nekuti dai waida Mwari then waifanira kupinda muArk. So ndiri kuti unogona kuda Mwari but as long usingade nzira dzake dzekuponesa vanhu, unofira iyoyo. ndinongopedzisa neJohn 3:14-16 apo Jesu anoti Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana woMunhu anofanira kusimudzwawo,kuti ani naani anotenda kwaari ave noupenyu husingaperi.“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti aninaani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Kutenda muna Jesu ndimo mune ruponeso, believe in Him and be saved, rega kuda kutsvaga nzira dzako dzekuti upone but have faith in the way of Salvation yatakapihwa naMwari.
Posted on: Mon, 20 Oct 2014 03:00:00 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015