Three years vachifamba vese Jesu achiziva hake kuti Judas - TopicsExpress



          

Three years vachifamba vese Jesu achiziva hake kuti Judas achamuurayisa. Asi Jesu akamuda zvakadaro. Vakadya vese, vakanaiwa nemvura vese, vakatonhorwa vese, vakapiswa nezuva vese. Vakatsanya vese vakanamata vese. Paibviswa zvipo nevanhu Jesu aitomuti o Judas chengeta achiziva hake kuti anopota achiba. Jesu paakapa simba to the 12, na Judas akapiwawo. Judas paakauya nearmy muGethsemane Jesu akamukwazisa achiti friend. Peter paanobuditsa banga to attack judas and company trying to protect Jesus. Jesu kwaku attacker Peter by rebuke and protects Judas. Rudo rwakapiwa vadzidzi na Jesu rwakapiwawo kuna Judas. Ko iwe wako judas urikumuda here? Unomuziva, Mwari vakakuratidza, harisi guhwa ndiye, asi unomuda here? Peter haana kumboziva kuti Judas ndozvaachaita. Kana John kana Luke nevamwe vese not even the disciple He loved. Asi iwe wako Judas asingamuzive ndiye asingatokuziviwo. Kubasa kwako vanomuziva Judas wako, kuchurch nemuneighbourhood vanomuziva. Pawasvika pese nyaya ndiyoyo, zvandazoitwa na Judas uye hama rwendo runo andirongera nyowani. Your inner circle and outsiders vese vanomuziva. Ziva chinhu ichi nhasi hama Judas is there, haana kwaari kuenda for the sake of the fulfillment of Gods will in your life. Saka usamukwirire hako gomo, usamutsanyire kana kumubatira midnight prayer, kuti abude mulife mako. Just love him. Pray that God gives you a Christ like love umude sekudiwa kwakaita judas na Jesu, ufambe naye, udye naye, mutsamire dombo mese makarara pasi pemuti. Dai kutsanya kwaizomushandura moyo Jesu aizomubatira 40 days and 40 nights dzausingagone iwewe futi. Kuri kukwira gomo achinamata Jesu akakwira kakawanda. For 3 years God Himself loved Judas akawoma moyo kudaro. Christ is the standard, and thats the standard He has set for you and me. Love your Judas, Jesus loved His.
Posted on: Sat, 11 Oct 2014 05:14:41 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015