Tichiri vadiki patai tamba bhora rechikweshe (maPlastics). Muridzi - TopicsExpress



          

Tichiri vadiki patai tamba bhora rechikweshe (maPlastics). Muridzi webhora taimupa imwe respect nefavour isingapihwe vamwe. Even if asingagone bhora taimupinza chete mugame nekutya kuti kana tikamurambidza, anogona kuzoramba nebhora rake tikashaya chekutamba. Even pakumu marker chaipo, waito marker zvakadzikama nekuti ukamukuwadza anokudzinga pabhora rake. but izvozvo ndezve kuchikweshe and zvinoperera ikoko. Hazvigone kuti tiite chifesi pazvinhu zvaMwari, kufavour munhu nekuti ndiye anevenue yatinonamatira kana kuti ndiye akatenga P.A. system. Ngatirege kutya kuudza munhu kuti siyai zvakaipa zvamuri kubata just because ndiye anofinancer church. MaPastors rega kutya kuparidza shoko sezvariri nekuti unotya kuti it might offend baba nhingi vane lorry yatinoendesa kumusangano. Izvo zvekunyarana ndezve kuchikweshe but kana tava pabasa raMwari chokwadi ngachitaurwe sezvachiri. Sunungura munhu nekumuudza chokwadi Johani 8: 32 Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungura i
Posted on: Sun, 11 Aug 2013 05:09:15 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015