Umwe musi $100 akasangana na One Rand kubank. Ihwai zvakataurika: Rand 1: Hesi waya shamwari, ko kurova so, wanga waindepiko kusabatika? $100: Haa, kupesana shamwari; basa chete kuwanda. Rand 1: Hoo nhai, dai pasina bank rino hameno kana taisangana, ko ndiani wakuunza kuno uye wakafamba sei kubva zvatakapesana muna March paya? $100: Ndakabva paya ndikaenda kwaChiadzwa uko ndakanokandidza nwa kakati wandei pakati pemadealer, pfambi nemapolitician shamwari, ndakazoti tsvedzei ndonanga Vic Falls nendege, asi musi iwoyo ndakavata paMeikles Hotel paseri apo. Last week ndakatombodzokera kumusha kuWashington,dzokei umwe muNigerian odzoka neni paya, hameno kuti akandipirwei nani.Iyezvino ndiri kubva zvangu kumaAvenues kwandakaita marounds akati oooh, faster faster. Ko iwe wanga uripi? Rand 1: Ah,ini ndahwa nekutenderera mumachurch umu shamwari..... 8 hours ago Like · Comment ·
Posted on: Fri, 25 Oct 2013 06:15:57 +0000