Zvakaoma hama dzangu. Satan ari pabasa pake. Sangano rinoona - TopicsExpress



          

Zvakaoma hama dzangu. Satan ari pabasa pake. Sangano rinoona nezvedzinhare POTRAZ hanzi inoda kuranga econet nekuda kwekudzikisa mutengo wekufona kubva 25c kuuya pa 10c. Zvanzi dzokai pa 25c per minute kuitira mamwe macompany? Nhare dzinoitirwa mamwe macompany here kushanda kwavo kana dzinoitirwa isu veruzhinji? Sei hutungamiriri husina hanya nekurarama kwakarerukira vazhinji? Ndarwadziva varombo vogarepi Mwari woye? Sangano rehurumende inotonga kugumbuka kuti sei vanhu vadzikisirwa mitengo? Apa imari ye America? Mwari baba izwaiwo kuchema kwe vana venyu mu Africa. Company yakukosha kudarika munhu asi munhu ari iye anoronga company? Zvanzi munhu ngaatambure afe kusare company. POTRAZ vanhu here kana kuti ma computers asingazive kutambura kwevanhu? Ndiudzeivo hama kuda ndarasika?
Posted on: Wed, 21 Aug 2013 05:59:45 +0000

Trending Topics



div class="stbody" style="min-height:30px;">
गुरु पूर्णिमा से याद आया
NEW Amended service between Leicester and Kettering until further

Recently Viewed Topics




© 2015