hide id. Ndakaroorwa uye ndine vana four(4). Kubva nditange kugara - TopicsExpress



          

hide id. Ndakaroorwa uye ndine vana four(4). Kubva nditange kugara nemurume muna1999 ange asati ambondirova uye taigara zvakanaka. Nezuro takanetsana iye ndokubva agumbuka kusvika pakundirova zvekuti ndakakuvara ruoko. Akakumbira ruregerero ndakangoti zvakanaka since akange asati ambozviita. Husiku manje handina kurara nekurwadziwa neruoko apa rwamuka rwakazvimba zvekuti ndiri kutonzwa mukati kuti mabhonzo anenge akatopesana. Ndiri kuda kuenda kuchipatara kuseni kuno manje ndiri kutya kuti vakazondibvunza kuti wakaitwa nei ndinoti chii? Ko ndakati ndakarohwa nemurume haazosungwa here ne gBv akaenda kujeri ndakazosara ndichiona nhamo nevana. Ko ndakasaenda zvakaita worse ndinozoita sei? Ndibatsireiwo ndisaite zvinoita kuti ndisazochema mangwana.
Posted on: Mon, 02 Dec 2013 04:54:42 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015