ndapinda mune imwe Restaurant/ Take away, after Mass - TopicsExpress



          

ndapinda mune imwe Restaurant/ Take away, after Mass nezuro,nzara yanga yakwatura.Nda "placer order" yangu ndagara pasi. Papera nguva yakati oh kwakabva kwapinda ... mumwe mukomana ne musikana wake vakatobatana maoko and handiti munongozivawo ka step kevanhu vari murudo.Vakasvikawo "vaka placer order" vakagara pasi vachitaura ka! tuma "sweet sweet" twavo.After a few seconds vakabva vadaidzwa kuti vauye kuzotora order yavo-Ah what! This is crazy! Ini ndirini ndatanga!. Ndanga ndakanganwa kuti ndanga ndaplacer "Special order".Special order unongonzwa nezita racho inotorazve nguva ichigadzirwa.Nyaya iyi haisi yechikafu kwete.Ungaone vamwe vako vakawanda vaunoziva,vawakadzidza navo,vaunotamba navo vave nezvinhu zvavo,imba,mota ,mari,chii zvacho **Teerera unzwe,iwe waka placer "Special Order" kuna Mwari,yako iri kuuya usanetsekane.Mirira mwana wamai! Usaneta mirira Special Order yako ramba wakateya ziso nepfungwa kuna Mwari zvinoita chete.Famba netariro kwete nekuona.Cn sme1 shout amen?? ***tapitapi***
Posted on: Wed, 26 Jun 2013 08:46:32 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015