KWAKANGOFANANA NEKUFA! Nyaya inondirwadza ndeyemukomana - TopicsExpress



          

KWAKANGOFANANA NEKUFA! Nyaya inondirwadza ndeyemukomana aida amai vake zvemhando yepamusoro. Aisada kuvashaya kana zuva rimwe zvaro kana ari kumusha. Everyday aitovafonera katatu pazuva nekuti aiva ava kushanda ku Harare. Mukomana uyu akabva atambira pay yake yekutanga ndokutengera amai vake Radio kuti vavarairwe zvavo. Sezvineiwo paakai testa radio iya ari kumba kwake akabva anzwa pachirira rwiyo rwunonzi Amai vangu kakaimbwa na George pada kaiimba kachiti: Anondifungidza amai vangu. Mukomana akabva adzima ku Radio 2 kwaiimbwa kambo aka akati kangapere amai vake vasina kukanzwa achibva aenda kumusha. Achisvika akati: Amai ndakutengerai Radio asi pane kambo kandinoda kuti munzwe kandicharidza; ikako kanoreva imi chaiye; zvamuri chaizvo. Akabva aita on Radio akanzwa; Gono ramatingura ndiwe; ndiwe muroi ndiwe; ndiwe muroi hakuna mumwe; ndiwe wapedza hama. amai vakasumuka vachichururuka misodzi nekuda kwemunhu aive asingazivi; ndosaka vakuru vakati: Kusaziva kwakangofanana nekufa. Bhaibheri roti; Vanhu vaparara nekushaiwa zivo. Zvakakosha kuti tinamatire Zivo kuti tirege kushaiwa zvinhu nekuda kwekuishaya kana kupinda mumatambudziko because of Ignorance. Hamen...
Posted on: Thu, 31 Jul 2014 17:26:04 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015