Paiva nevamwe manager vaisevenzera upstairs kufloor yekupedzisira - TopicsExpress



          

Paiva nevamwe manager vaisevenzera upstairs kufloor yekupedzisira saka vanga vachida kusheedza musevenzi wavo anga achisevenzera nechepasi. Musevenzi uyu anga ari busy kusevenza saka manager vakazofunga zano rekuti musevenzi aite attention. Vakabva vakanda $20 pasi. Mushandi uya paakaona mari iya akabva aitora ndokuisa muhomwe asi haana kutarisa kuti yabvepi. Manager vakadzokororazve asi haana kutarisa zvakare kwabva mari. Manager ndokutora chidhinha ndokutema mushandi. Ipapo mushandi akatarisa kwainge kwabva chidhinha. Ndizvo zvakafanana newe mukristu wanhasi. Kana Mwari achipa makomborero hapana anoita hanya yekuti abvepi. Tinonakidzwa nemablessings tokanganwa Mwari wacho. Kana Mwari akanda chidhina ndipo patinosimudza misoro yedu tava kuti Mwari Mwari zvese neminamato nekutsanya. Unoda kuita mukristu rudzii anoda kutaura naMwari kana zvashata chete. Rangarira Mwari nguva dzese kwete padanbudziko chete.
Posted on: Thu, 28 Aug 2014 10:24:14 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015